Accessibility links

Va Mugabe Vanoti Vanorwara neItsvo Varapwe Pachena

  • Sandra Nyaira

Mutungamiri wenyika, Va Robert Mugabe, vanoti hurumende inofanirwa kugadza mitemo inoita kuti vanhu vane zvirwere zveitsvo, varapwe pachena sezvinoitwa vanorarama ne HIV/AIDS.

Va Mugabe vakataura mashoko aya neMugovera kuChitungwiza General Hospital apo vaivhura bazi reSally Mugabe Renal Training Institute.

VaMugabe vakati vanhu vazhinji vari kutadza kurapwa muzvipatara munyika nekuti havana mari dzinodiwa. Munhu anorwara neitsvo anoda mari inosvika chiuru chemadhora kuti arapwe svondo roga roga.

Va Mugabe vakati nyaya yekutenga michina yekugeza itsvo nezvimwe yanga ichinetsa nekuda kwezvirango zvakatemerwa Zimbabwe nenyika dzekumavirira.

Mudzimai waVaMugabe wekutanga, Amai Sally Mugabe, vakashaya muna 1992 nechirwere cheitsvo.

Sachigaro weZimbabwe Doctors for Human Rights, Va Douglas Gwatidzo, vanoti chinhu chinenge chakanaka kuti varwere veitsvo varapwe pachena, asi Zimbabwe haina mari yekuzviita pari zvino.

XS
SM
MD
LG