Accessibility links

Breaking News

Va Mugabe Vanoti Vakuru muHurumende Varikuparadzira HIV


VaMugabe vakati vanonyara zvikuru nezvinoitwa nevamwe vakuru vavanoziva vari kunwa mishonga yema ARVs, asi vachifamba vachitapurira vechidiki nemadzimai utachiona

Mutungamiriri wenyika, Va Robert Mugabe, nezuro vakati vamwe vakuru muhurumende ndivo vari kufamba vachiparadzira utachiona hwe HIV kunyange hazvo vachiziva kuti vane utachiona uhu.

Va Mugabe vakataura mashoko aya pavakaparura musangano wemazuva mana we National HIV/Aids uri kutarisa kutapurirwa kwevana vacheche hutachiona navana amai vavo.

VaMugabe vakati vanonyara zvikuru nezvinoitwa nevamwe vakuru vavanoziva vari kunwa mishonga yema ARVs, asi vachifamba vachitapurira vechidiki nemadzimai utachiona.

Vakati kunyange hazvo zvakadaro, shoko rekuti varume vachinje, uye utachiona huderere munyika, rinofanira kuramba richifambiswa mberi nebazi rehutano pamwe nemasangano akazvimirira.

Amai Monica Mandiki ndivo mukuru we SafAids mu Zimbabwe uye vari kupindawo musangano uyu. Amai Mandiki vati hurukuro dzaenderera nhasi vanhu vachitaura nyaya yakasimudzwa naVa Mugabe nezuro nezvimwe zvinobata mhuri neutachiona.

XS
SM
MD
LG