Accessibility links

Va Mpofu Vanotuka Nyika Dzekumavirira Vachiti Zimbabwe Icharamba Ichitengesa Mangoda Ayo

  • Sandra Nyaira

Gurukota rezvemighodhi, Va Obert Mpofu, vataura mumusangano uyu vachitsigirwa negurukota rezvemigodhi mu South Africa, Amai Susan Tshabangu

Musangano wekuzeya nyaya yemangoda ekwa Marange muguta re Kinshasa ku Democratic Republic of Congo uri kuenderera mberi paine kusawairirana kukuru pakati pevari kuti Zimbabwe ngaipihwe mvumo yekutengesa mangoda ayo pasina ongororo -- nevari kuti pachiri kudiwa kuitwa ongororo pose panotengeswa mangoda emunyika iyi.

Gurukota rezvemighodhi, Va Obert Mpofu, vataura mumusangano uyu vachitsigirwa negurukota rezvemigodhi mu South Africa, Amai Susan Tshabangu.

VaMpofu vati Zimbabwe yakaita zvese zvinodiwa ne KP, saka inofanirwa kupihwa mvumo yekutengesa mangoda ayo ega.

Va Mpofu vati nyaya yerusarura nezvirango zvakatemerwa Zimbabwe ndozvanetsa mu Kimberley. Nyika dzekumavirira kwe Africa dzinonzi hadzichisiri kutsigira Va Mpofu ne Zimbabwe, ukuwo dzekuchamhembe dzichimira ne Zimbabwe.

Mukuru we Centre for Research and Development, Va Farai Maguwu, pamwe nemunyori mukuru we Affirmative Action Group, Va Tafadzwa Musarara vari kupinda musangano uyu ku Kinshasa. Va Maguwu vanoti vanyara nezvaitwa naVa Mpofu vachiti hapana ari kurambidza Zimbabwe kutengesa mangoda ayo kasi kuti iri kunzi itevedzere gwara re KP.

Va Musarara vati Va Maguwu nevamwe vavo vari kushandiswa nenyika dzekumavirira kutuka nekumhura nyika yavo kuburikidzwa nemagwaro avarikupakurira vanhu ku Kinshasa.

XS
SM
MD
LG