Accessibility links

Breaking News

Va Mpofu Vanoti Zimbabwe Yakatengesa Mangoda Ayo


Hurumende inoti yakatotengesa mangoda ekwaMarange ayo akacheneswa zvisiri pamutemo nenhumwa ye Kimberley Process, Va Abbey Chikane, mukupera kwesvondo.

NeChina, sangano reKP rakati VaChikane vaive vasina mvumo yekuita zvavakaita, rikakurudzira vatengi vemangoda kuti vangwarire nyaya yemangoda aya.

Asi gurukota rezvemigodhi, VaObert Mpofu, vaudza Studio7 kuti Zimbabwe haichinei nezve KP nekuti iri kushandiswa nenyika dzakabudirira dzisingadi kuti Zimbabwe ibudirire zvakanaka.

VaMpofu vati vakaudza musangano weKP wakaitirwa kuJerusalem kuti Zimbabwe ichaenderera mberi nekutengesa mangoda ayo pasina kutevedzera zvinodiwa ne KP.

Bepanhau repa internet reZimonline, rinoti mangoda aya akatengeswa kumakambani eku India nemari inoita mamiriyoni zana nemakumi matanhatu emadhora, kana kuti $160 million.

VaMpofu vati masangano akazvimirira ega ari kushandiswa nehurumende dzakabudirira kusvibisa zita reZimbabwe munyaya dzemangoda ekwaMarange.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, Va Charles Mangongera, vanoti hurumende yagara ichida kutengesa mangoda zviri kunze kweKP.

XS
SM
MD
LG