Accessibility links

Breaking News

Va Maguwu Vorapwa Vari kuAvenues Clinic


VaMaguwu vari muhusungwa mushure mekusungirwa nyaya yekuburitsa mashoko anonzi manyeponehurumende pamusoro pezviri kuitika pamangoda kwaMarange.

Mutungamiri we Centre for Research and Development, Va Farai Maguwu, vakaendeswa ku Avenues Clinic kunorapwa zvichitevera kurwara kwavari kuita vari muhusungwa. VaMaguwu vakaendesa kuchipatara ichi neChina manheru, mushure mekunge magweta avo asvitsa kugunun’una kwavo nemabatirwo ari kuitwa VaMaguwu.

Dare ramejasitireti rakanga ratonga svondo rapera kuti VaMaguwu vaende kunorapwa nachiremba wavanoda, asi hurumende haina kuita izvi. Izvi zvakataurwa mudare neChina apo gweta raVa Maguwu, Va Trust Maanda, vakaudza mutongi wedare repamusoro, Va Chinembiri Bhunu, kuzvidzwa kuri kuitwa mitongo yedare nemapurisa.

VaMaguwu vari muhusungwa mushure mekusungirwa nyaya yekuburitsa mashoko anonzi nehurumende ndeemanyepo pamusoro pezviri kuitika pamangoda kwaMarange. Rimwe remagweta aVa Maguwu, Va Johane Zviuya, vati VaMaguwu vachambogara ku Avenues Clinic kusvika vava kunzwa zvakanaka.

Sangano re Kimberly Process riri kuita musangano mukuru wekuzeya zviri kuitika munyaya dzemangoda ku Israel kutanga neMuvhuro. Mutungamiri we World Diamond Council, Va Eli Izhakoff, vanoti gadziriro yemusangano we Kimberly Process iri kufamba zvakanaka. Vatiwo kuti musangano uyu ufambire Zimbabwe zvakanaka, hurumende inofanira kuburitsa VaMaguwu mujeri nechimbi chimbi.

Nyaya yeZimbabwe iri kuzeiwa pamusangano uyu, zvichitevera gwaro rakanyorwa nenhumwa yeKimberly Process kuZimbabwe, Va Abbey Chikane, maonero avo zviri kuitika pamangoga ekwaMarange.

Va Joy Mabenge inyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, uye vachishanda ne Institute for a Democratic Alternative in Zimbabwe. VaMabenge vanoti Kimberly Process inofanira kuongororora nyaya ye Zimbabwe zvakanaka, kwete kuda kurerutsira vanhu vari kutyora kodzero dzevanhu.

XS
SM
MD
LG