Accessibility links

Breaking News

Va Maguwu Vomirira Kimberly Process muZimbabwe


Masangano akazvimirira ega muZimbabwe adoma Va Farai Maguwu, mutungamiri weCentre for Research and Development in Mutare, kuti vave nhumwe yeKimberly Process muZimbabwe inenge yakamirira masangano akazvimirira.

Izvi zvinoreva kuti VaMaguwu vachange vachishanda nenhumwe ye KP, Va Abbey Chikane, mukuita ongororo yemangoda ekwa Marange. Vaviri ava vakarimirana kumuganhu zvichitevera mabatiro akaita VaChikane humbowo hwavakanga vapihwa naVaMuguwu, uho hwakazopedzisira hwava mumaoko ehurumende.

VaMaguwu vanenge vachimirira National Association of Non Governmental Organisation kana kuti NANGO muhurongwa uhu. Kudomwa kwaVaMaguwu kunoitika mushure mekunge musangano weKP wakaitirwa kuRussia mwedzi wapera, vakakurudzira kuti pave nemunhu anobva kumasangano akazvimirira ega anoitawo ongororo pamwe chete naVaChikane.

VaMaguwu vari kupomerwa mhosva yekubuditsa mashoko anonzi nehurumende anozvidza chimiro chayo panyaya yemangoda ekwaChiadzwa. VaMaguwu vati pari zvino vakamirira kunzwa kuti Kimberly Process inobvuma here zita ravo uye vatizve havaoni paine chinganetsa mukushanda kwavo naVaChikane mukuita ongororo yamangoda munyika.

XS
SM
MD
LG