Accessibility links

Va Lovemore Moyo Vanodzoserwa paChigaro cheMutauriri weParamende


Sachigaro veMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, VaLovemore Moyo, vasarudzwa zvakare kuva mutauriri weparamende zvichitevera kukunda kwavaita sachigaro veZanu PF, VaSimon Khaya Moyo.

VaLovemore Moyo vawana mavhoti zana nemashanu, ukuwo VaKhaya Moyo vakawana makumi mapfumbamwe nevatatu.

Mumiriri weTsholotsho muparamende, VaJonathan Moyo, vamboita chadzimira muparamende apo vadomwa nenhengo dzeMDC-T kuti vakwikwidze musarudzo iyi. Nhengo dzeMDC-T dzaita izvi senzira yekuda kunongosva zvadzo VaJonathan Moyo, avo vakapikisa kusarudzwa kwaVaLovemore Moyo muna Nyamavhuvhu 2008.

VaLovemore Moyo vakakwikwidzana naVa Paul Themba Nyathi muna 2008 vakakunda musaruzdo iyi apo vakawana mavhoti zana negumi, VaNyathi vachiwana mavhoti makumi mapfumbamwe nemasere. Sarudzo iyi yaive nemusiyano wemavhoti gumi nemaviri, unova zvakare musiyano wemavhoti musarudzo yaitwa neChipiri.

VaLovemore Moyo vakamiswa basa iri nedare repamusoro soro, zvichitevera mutongo warakapa wekuti vainge vasina kusarudzwa nenzira dzinotambirwa nemitemo yesarudzo dzemuparamende.

MDC inotungamirwa naVaWelshman Ncube yakamboti yakanga isingapindi musarudzo iyi, asi neMuvhuro bato iri rakazoti rakanga rava kutsigira VaLovemore Moyo.

VaLovemore Moyo vasarudzwa vari panze sezvo varambidzwa kugara mudare iri nemunyori weparamende, VaAustin Zvoma

XS
SM
MD
LG