Accessibility links

Breaking News

VaNkomo Vanopinda kwa Marange Zvisina Mutauro


Makurukota aya anonzi akwanisa kupinda kuminda yemangoda pasina mutauro sezvakaitika paida kuenda komiti yeparamende inoona nezvezvicherwa

Mutevedzeri wemutungamiriri wenyika, Va John Nkomo, neChitatu vatungamira dare remakurukota kuenda kunoona mamiriro akaita zvinhu kwaMarange, uko kuri kucherwa mangoda.

Vaenda kwaMarange vanosanganisirawo mutevedzeri wemutungamiri wehurumende, Muzvare Thoko Khupe, nemamwe makurukota akwanisa kuenda.

Makurukota aya anonzi akwanisa kupinda kuminda yemangoda pasina mutauro sezvakaitika paida kuenda komiti yeparamende inoona nezvezvicherwa.

Komiti inotungamirwa naVaChindori Chininga inoti yava kuzoenda kwaMarange neChitatu svondo inouya.

Amai Theresa Makone mumwe wemakurukota aenda kwaMarange. Amai Makone vati zvakawonekwa zvakakosha kuti makurukota enyika aende kunozvionera ega kuti zvinhu zvakamira sei kwaMarange, uye kunzwa pfungwa dzevanhu vari kugara munharaunda iyi pamusoro pezvinovanetsa uye zvavanofunga kuti zvinofanirwa kuitwa. Vatizve chido chavo kuti hurumende ipewo mvumo kumadzimai kuti akwanise kuchera mangoda kwaMarange.

Kushanya kwemakurukota aya kunoitika apo munyika muine mutauro pamusoro pemafambisirwo ari kuitwa basa remangoda nemakambani akapihwa mvumo yekuchera mangoda nehurumende.

Makambani ari kuchera mangoda anoti Canadile neMbada Diamonds, iyo iri kushanda pamwe chete nekambani yehurumende yeZimbabwe Development Mining Corporation.

XS
SM
MD
LG