Accessibility links

Breaking News

Va Gono Vanoti Vakapihwa Minda Vasapihwa Mikana Yekutora Mighodhi


Va Gono, mugwaro ravo rehurongwa hwemari, vakati hurumende inofanira kupa zvikamu zviri kupihwa nemakambani anochera zvicherwa kune vamwe vanhu vasina kupihwa minda kwete vakambowana chouviri kubva kuchirongwa cheminda

Mukuru webhanga guru renyika re Reserve Bank of Zimbabwe, Va Gideon Gono, vanoti vanhu vakapihwa minda pasi pechirongwa chehurumende chekupa ivhu kuvatema, asi vakatadza kurima, havafaniri kupihwa mikana yekutora mighodhi muchironga chekupa hupfumi kuvatema chiri kuitwa nehurumende.

Va Gono, mugwaro ravo rehurongwa hwemari, vakati hurumende inofanira kupa zvikamu zviri kupihwa nemakambani anochera zvicherwa kune vamwe vanhu vasina kupihwa minda kwete vakambowana chouviri kubva kuchirongwa cheminda.

Va Gono vakati nyika pari zvino izere neminda yakapihwa vamwe vanhu nehurumende asi isiri kushandiswa, vachiti vanhu ivava havafaniri kupihwa mukana wekukanganisa hupfumi hwenyika kuburikidza nemighodhi iyi.

Va Gono vakatizve kushoropodza kwavo hakurevi kuti havatsigiri kupihwa kwehupfumi kuvatema, asi kuti zvinhu zvinofanira kunga zvakarongeka.

Va Psychology Maziwisa ndivo chipangamazano chegurukota revechidiki nekuendesa hupfumi kuvatema, Va Saviour Kasukuwere. Vati nyaya yekupa hupfumi kuvatema inyaya inofanirwa kutaurwa naVa Kasukuwere kwete Va Gono.

XS
SM
MD
LG