Accessibility links

Breaking News

VaBiti Vanoti KP Ngaibvumidze Zimbabwe Kutengesa Mangoda ekwaMarange


VaBiti vanoti KP haifaniri kuomesera vanhu vemuZimbabwe nekuda kwezvivi zvevamwe vatungamiriri nekuti vatungamiriri ivavo vanogona kuramba vachitengesa mangoda aya zvisiri pamutemo kunze kwe KP, vanhu veZimbabwe voramba vachiruza

Gurukota rezvemari, Va Tendai Biti, vanoti kana Kimberly Process ikasapa Zimbabwe mvumo yekutengesa mangoda ekwa Marange, inenge ichiomesera ruzhinji rwe Zimbabwe rwakatarisira kuti nyika isimudzirwe hupfumi hwayo nemangoda aya.

VaBiti vanoti KP haifaniri kuomesera vanhu vemuZimbabwe nekuda kwezvivi zvevamwe vakuru vari muhurumende nekuti vatungamiri ivavo vanogona kuramba vachitengesa mangoda aya zvisiri pamutemo, vanhu veZimbabwe voramba vachiruza.

Vachitaura mupepanhau re MDC reChanging Times, Va Biti vanoti Zimbabwe pari zvino iri kutadza kubhadhara zvinhu zvakaita semagetsi kana vashandi vehurumende, asi mangoda akagara munyika nekuti ve KP havasati vawirirana kuti Zimbabwe itengese mangoda ayo.

VaBiti vanorambazve mashoko ekuti mangoda ekwa Marange ndeeropa sezviri kutaurwa nevanorwira kodzero dzevanhu.

Musangano weKimberly Process wakaitwa kuIsrael mwedzi wapera wakatadza kubuda nechisungo panyaya yemandoda ekwaChiadzwa. Mumwe musangano weKimberly Process uri kuitwa svondo rinouya kuSt Petersburg, apo nyaya yeZimbabwe ichange iri mudariro zvakare.

Gurukota rezvemigodhi, VaObert Mpofu, vakati dare remakurukota rakabuda nechisungo svondo rapera chekuti Zimbabwe itengese mangoda ayo, zvisineyi kuti Kimberly Process yazvibvumidza here kana kuti kwete.

Asi mamwe makurukota asina kuda kudomwa nemazita akaudza Studio7 kuti pakanga pasina kuwirirana pakutengeswa kwemangoda zviri kunze kwegwara reKimberly Process. Makurukota aya akati chaive chokwadi chekuti dare remakurukota akanga awirirana kuti mangoda ekwaMarange anofanirwa kutengeswa, asi achitengeswa nenzira dzinotambirwa pasi rose.

Nyaya yehuori huri kuitwa pamangoda ekwaMarange iri kusviriridza zvikuru zvichetevera kusungwa kwakaitwa mutungamiri weCentre for Research and development, VaFarai Maguwu, vachinzi vakaburitsa manyepo anosvibisa chimiro chehurumende. Kutauro kuno VaMaguwu vari mutirongo, uye hurumende iri kuramba kuti vapihwe mukana wekubvisa mari yechibatiso.

VaCharles Mangongera vanoongorora nyaya dzematongerwe enyika. VaMangongera vanoti VaBiti nebato ravo re MDC vari panguva yakaoma nekuti vanoda mari yekuti nyika isimudzirwe asi uku vachifanirawo kutarisa nyaya dzezvatongerwo nenyika.

XS
SM
MD
LG