Accessibility links

Breaking News

Pasi Rose Rotarisira Achakunda Pakati paVaObama naVaRomney


ا
ا
Mamiriyoni nemamiriyoni evanhu vemuAmerica, pamwe nepasi rose vari kutarisira kuona zvichabuda musarudzo yemutungamiri weAmerica wechimakumi mana neshanu.

Vari kukwikwidza musarudzo iyi mutungamiri weAmerica pari zvino, VaBarack Obama vebato reDemocratic Party, pamwe naVaMitty Romney veRepublican Party.

VaObama vari kutarisira kuti vawane mukana wechipiri wekutonga nyika iyi zvichitevera kukunda kwavakaita VaJohn McCain vebato reRepublican Party musarudzo dzakaitwa muna Mbudzi 2008. Ukuwo VaRomney vari kutarisa kukunda kekutanga musarudzo yemutungamiri wenyika iyi.

Mamiriyoni nemamiriyoni evanhu afumira kunovhota neChipiri mangwanani musarudzo iri kunzi nenyanzvi haisati yamboitika munhoroondo yesarudzo muAmerica.

Vamwe vari kuti pane mangange chaiwo pakati paVaObama naVa Romney, asi vamwe vachiti VaObama, avo vakava munhu mutema wekutanga kusarudzwa semutungamiri wenyika iyi, vari pamberi zvishoma mumatunhu akawanda.
Matunhu ari kutarisirwa kunetsa musarudzo iyi matunhu akaita seOhio, New Hampshire, Florida, Virginia, Wisconsin neColorado.

Mupepeti webepanhau reThe Standard, VaNevanji Madanhire, vanoti sarudzo dzemu America dzakarongeka zvikuru.

VaMadanhire, avo vari nuChicago mudunhu re Illinois vachiona mafambiro esarudzo pasi pechirongwa chebazi rehurumende yeAmerica rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika, vanoti muChicago mavari vanhu vakawanda vabuda mudzimba dzavo vachienda kunovhota.

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chiri muSouth Africa, VaPortifa Kandemiiri, vanoti vanoyemura sarudzo dzemuAmerica nekuti dzinoitwa murunyararo pasina mhirizhonga inoitika muZimbabwe.

Pamusoro pesarudzo yemutungamiri wenyika, vanhu vemuAmerica vachange vachivhotera zvakare zvigaro mazana mana nemakumi matatu nezvishanu, 435, zvenhengo dzeparamende yepasi, kana kuti House of Representative, pamwe nezvigaro makumi matatu nezvitatu zvedare reseneti. Dare reseneti rine zvigaro zana, asi zvimwe zvacho hazvisi kuvhoterwa panguya ino.

Dzimwe nyanzvi dzezvematongerwo enyika dzinoti bato reRepublican Party riri kutarisirwa kuva nezvigaro zvakawanda mudare reparamende yepasi, ukuwo bato reDemocratic Party riri kutarisirwa kuwedzera zvigaro zvaro mudare iri kunyange hazvo zvichange zviri pasi pezvigaro zvebato reRepublican Party.

Asi vamwe vanotiwo bato reDemocratic Party rinogonawo kutora zvigaro zvedare reparamende zvakawanda, kana pachitariswa mafungiro ari kuita veruzhinji musarudzo iyi.

Kuti munhu asarudzwe semutungamiri wenyika, anofanirwa kunge awana zvigaro mazana maviri nemakumi manomwe.

Asi kana VaObama naVaRomney vakaita mangange nezvigaro mazana maviri nemakumi matanhatu nezvipfumbamwe pamunhu, mutemo wemu America unoti dare reparamende repasi ndiro rinosarudza mutungamiri wenyika, ukuwo dare reseneti richisarudzawo mutevedzeri wemutungamiri wenyika.

Vanhu ava vanosarudzwa nenhengo itsva dzematare aya dzinenge dzasarudzwa musarudzo iyi.

Hurukuro naVaNevanji Madanhire
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:26 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Hurukuro naVaPortifa Kandemiiri
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:18 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG