Accessibility links

Breaking News

United Nations Inomutsiridza Kukumbira Mari Yekubatsira Zimbabwe Nechikafu


Vanhu ava vakatarisana nenzara pane ino nguva. Mwedzi mishoma yapfuura, United Nations yakati yakanga yawanira Zimbabwe mari inoita chidimbu chemari iri kudiwa

Sangano renyika dzepasi rose re United Nations riri kukurudzira kuti Zimbabwe iwane mari inoti inosvika $415 million kuitira kuti vanhu vanosvika mamiriyoni maviri, vawane chikafu.

Vanhu ava vakatarisana nenzara pane ino nguva. Mwedzi mishoma yapfuura, United Nations yakati yakanga yawanira Zimbabwe mari inoita chidimbu chemari iri kudiwa. Mashoko aya akataurwa naVa Alain Noudehou vanova United Nations Humanitarian coordinator mu Zimbabwe.

Va Noudehou vakati mwana mumwe chete muvatatu muZimbabwe indonda izvo zviri kuita kuti vana zviuru gumi nezviviri, vafe zvisina tsarukano gore roga roga. Zimbabwe yava nemakore akati kuti vanhu vachishaya chikafu kubva pakatanga kubvutwa mapurazi evachena nehurumende yaiva yeZANU-PF chete.

Reverend Forbes Matonga vanoshanda ne Christian Care. Vanoti sangano ravo nemamwe anobatsira akatotanga kare kupa chikafu munzvimbo dzimwe munyika dzine nzara.

XS
SM
MD
LG