Accessibility links

Breaking News

Unicef Inoparura Gwaro Rinobata Vana Vanorarama neHurema Pasi Rose


unicef logo
unicef logo
Sangano reUnited Nations Children’s Fund, UNICEF neChipiri rakaparura gwaro repa gore rinoratidza kuti vana vazhinji vanorarama nehurema muZimbabwe nepasi rose, vari kutambudzika zvikuru kuwana kodzero dzavo dzakaita sedzidzo pamwe nehutano.

Gwaro iri, iro rinonzi “State of the World’s Children’s Report for 2013” rinoratidza kuti vana vazhinji vari kuzvarwa vaine hurema, vanosangana nematambudziko akawanda zvikuru anovatadzisa kunyatsobudirira mukurarama kwavo.

Gwaro iri rinobudisa zvekare kuti matanho ari kutorwa ne Zimbabwe kuti kodzero dzevana vanorarama nehurema dzizadzikiswe, mashoma zvikuru.

Vachitaura pakuparurwa kwegwaro iri, mukuru webazi rekuchengetedzwa kwevana, Child Protection Unit muUNICEF, Amai Lauren Rumble, vanoti vana vanorarama nehurema muZimbabwe nepasi rose vanotambudzika kuti vawane kodzero dzavo dzizere.

Amai Rumble vanoti zvakakosha kuti hurumende pamwe nemasangano akazvimirira akwanise kubatana kuitira kuti hupenyu hwevana ava hunge huri nani uye kuti vakwanisewo kuve vanhu vanobudirira muhupenyu hwavo

Vachitaurawo pamusangano uyu, mutungamiri wesangano reNational Association of Societies for the Care of the Handicapped kana kuti NASCOHH, VaFarai Gasa Mukuta, vanoti hurumende inofanirwa kuwedzera zvirongwa zvekusimudzira vana vanorarama nehurema.

VaMukuta vanoti vana vanosvika zvikamu makumi mashanu nezviviri kubva muzana, havasi kukwanisa kuenda kuchikoro nenyaya yekuti zvikoro zviripo zvisiri zvehurumende, zvinodhura. VaMukuta vanoti zvekare zvikamu zana kubva muzana zvezvimbuzi zviri kumaruwa, hazvina kuvakwa nenzira yekuti vasingagone kufamba vanokwanisa kuzvishandisa.

VaMukuta vanoti hurumende inofanirwa kuona kuti pavanodzidzira basa ravo vanhu vakaita sana mukoti, vadzidzisi, ana chiremba nema mapurisa vanofanirwa kudzizira mitauro yemaoko, sign language, kuitira kuti vakwanise kunyatsobatsira vanhu vasinga gone kutaura.

VaMukuta vanoti vana vazhinji vari kufa nenyaya yekuti vana chiremba kana vana mukoti havagone kuvanzwisisa kana vachitaura zviri kuvarwadza.

Vachitaurawo pakuparurwa kwegwaro iri, chipangamazano chemutungamiri wenyika munyaya dzevanorarama nehurema, Brigadier Felix Muchemwa, vakurudzira vane homwe dzemari kuti vabatsire Zimbabwe kuitira kuti kodzero dzevanorarama nehurema, dzachengetedzwa.

UNICEF inoti vana vanosvika mazana matanhatu ezviuru vari kurarama nehurema hwakasiyana siyana muZimbabwe.

Zvimwe zvabuda mumusangano uyu inyaya yekuti hurumende haisati yakwanisa kunyatsoita tsvakiridzo yekuona kuti vanhu vangani munyika vari kurarama nehurema.

Zvimwe zvakare zvataurwa nevanorwira kodzero dzevanorarama nehurema ndezvekuti hapana zvikoro zvehurumende zvekuti vana vanorarama nehurema vakwanise kuenda uye zvikoro zviripo, hazvisi zvehurumende, uye zvinodhura chaizvo.

Nyaya Ina Sylvia Manika
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG