Accessibility links

Breaking News

UNICEF neCOPAC Dzoshanda Pamwe Kuti Vechidiki Vapinde Muchirongwa


Sangano re UNICEF rinonzi rakaita chibvumirano nekomiti yeparamende iri kutungamira kunyorwa kwebumbiro idzva remitemo yenyika, ye COPAC, chekuti richatsigira chirongwa chekuti vechidiki vapewo pfungwa dzavo mukunyorwa kwebumbiro idzva.

UNICEF yakaita musangano wekuzeya nyaya iyi ne COPAC neChina. Asi UNICEF haisati yataura kuti chirongwa ichi chichada mari yakawanda zvakadii.

Mumwe wemasachigaro eCOPAC, Va Douglas Mwonzora, vanoti ichokwadi kuti vakaita musangano ne uUNICEF, uye hwaro hwemashandiro avachange vachiita, huri kugadziriswa pari zvino.

Vechidiki vakawanda vanonzi vanga vasingaende kumisangano yeCOPAC kunopawo pfungwa dzavo mukunyorwa kwebumbiro idzva.

Mune imwewo nyaya, muzinda we America muZimbabwe unoti unotsigira chirongwa chekunyorwa kwebumbiro idzva. America inoti chirongwa ichi chakakosha sezvo chichaunza hutongi wegutsaruzhinji munyika.

America inoti imwe yenyika dziri kuisa mari mu UNDP iyo iri kushandiswa neCopac muchirongwa chekunyorwa kwebumbiro idzva.

Muzinda uyu watiwo wakazvipira kushanda nedzimwe nyika mukutsvaga nzira dzekuwanira Zimbabwe mari yekushandisa muchirongwa ichi.

XS
SM
MD
LG