Accessibility links

Unicef Inotungamirira Kuti Vana Mai Vayamiswe Vana

  • Sandra Nyaira

Mukuru anoona nezvechikafu chinovaka mu Unicef muzimbabwe, Amai Fitsum Assefa, vanoti kunyange hazvo svondo iri rapera, chirongwa ichi mu Zimbabwe chiri kuenderera mberi kwemwedzi wose

Svondo rapera Zimbabwe yakabatana nedzimwe nyika mukucherechedza hurongwa hwekukurudzira kuyamwiswa kwakanaka kwevana vacheche.

Hurongwa hwesvondo rimwe chete urwu hunotungamirwa nesangano re Unicef ichishanda nebazi rezvehutano, pamwe nemamwe masangano.

Mukuru anoona nezvechikafu chinovaka mu Unicef muzimbabwe, Amai Fitsum Assefa, vanoti kunyange hazvo svondo iri rapera, chirongwa ichi mu Zimbabwe chiri kuenderera mberi kwemwedzi wose.

Amai assefa vanoti kuyamwisa vana chinhu chakanaka nekuti zvinodzivirira vana kubva kuzvirwere.

Vatizve vari kukurudzira kuti vana amai vari kurarama neutachiona hwe HIV vayamwise nekuti zvinobatsira vana kuti vasabate zvirwere.

Muzvare Martha Tholana vanoshanda nesangano re Zimbabwe Positive Women. Muzvare Tholana vanoti vakafara zvikuru nechirongwa chekukurudzira vana amai kuti vayamwise vana kwemwedzi yakawanda.

XS
SM
MD
LG