Accessibility links

Breaking News

UN Inoti Zimbabwe Yonetseka Kuwana Rubatsiro


Sangano rinoona nezvekurongwa kwerubatsiro pasi rose re United Nations Office for the Co-ordination of Humanitarian Affairs, rinoti Zimbabwe ndeimwe yenyika dziri kunetsekana kuwana ruabtsiro.

Sangano iri rinoti Zimbabwe iri kuda mari inoita US$478 million yekubatsira vanhu, asi yawana chete US$223 million dollars kubva kune vane tsiye nyoro. Zimbabwe iri pasi penyika dzakaita sePakistan, Guatememala, Central African Republic neUganda pakuwana rubatsiro.

Sachigaro vesangano reNANGO, Amai Dadirai Chikwengo, vanoti kunyange hazvo nyika dziri kufuratira Zimbabwe panyaya dzerubatsiro, Zimbabwe inyika inoda rubatsiro rwakawanda zvikuru.

XS
SM
MD
LG