Kwakwana makore maviri mauto azivisa nyika kuti ainge opindira munyaya dzezvematongerwo enyika achivimbisa kuti aida kubvisa matsotsi aaiti akange akakomberedza vaimbove mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe.
Asi mumakore maviri aya, bato rinopikisa reMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa, pamwe nevanorwira kodzero dzevanhu, vanoti hapana chati chachinja munyaya dzezvematongerwo enyika, hupfumi pamwe nekuremekedzwa kwekodzero dzevanhu.
Nhasi kwakwana makore maviri mauto atora nhepfenyuro yeZBC achizivisa kuti ainge opindira munyaya dzezvematongerwo enyika kubudikidza naVaSibusiso Moyo avo vakazivisa veruzhinji paterevhizheni kuti vakange vachida kubvisa matsotsi avaiti akanga akakomberedza VaMugabe izvo zvavanoti zvaiita kuti zvinhu zvisafambe munyika munyaya dzezvehupfumi sezvo vaiti huori hwainge hwatekeshera munyika.
Makore maviri chiziviso ichi chaitwa, nhengo yeZanu PF, uye vari mumiriri weHarare South muparamende, VaTongai Mnangagwa, vanoti hurumende yaVaEmmerson Mnangagwa iri kushanda zvakasimba kupedza huori munyika zvavanoti zvichaita kuti hupfumi hwenyika husimukire.
Asi rimwe gweta remuHarare, VaKudzayi Kadzere, vanoti hurumende iri kupedzera zvipikiri padehwe retsindi ichirega kusunga vakuru-vakuru muhurumende vavanoti vari kuita huori hwakakomba sezvo chinangwa chakapindira mauto muna Mbudzi 2017, chaive chekubvisa vanhu vaiita zvehuroyi.
Pari zvino, hurumende yaVaMnangagwa yasunga vaimbova gurukota raiona nezvekushanyirwa kwenyika, Amai Prisca Mupfumira, ichivapomera mhosva dzehuori uye nyaya iyi ichiri mumatare.
Nekune rumwe rutivi, komisheni inorwisa huori, yeZimbabwe Anti Corruption Commission, inoti iri kuferefeta gurukota rinoshanda riri muhofisi maVaMnangagwa, VaJoram Gumbo, panyaya yekutengwa kwakaitwa ndege dzekambani yeZimbabwe Airways pavaiva gurukota raiona nezvekutakurwa kwezvinhu panguva yehutongi hwaVaMugabe.
Vaimbove gurukota, VaSamuel Undenge, vari mujeri mushure mekuwanikwa vaine mhosva yekuita zvehuuro. Vamwe vanonzi vari kuferefetwa ndiVaSavior Kasukuwere, VaJonathan Moyo – asi vaviri ava vari kunze kwenyika.
Asi VaKadzere vanoti zviri kuitwa nehurumende yaVaMnangagwa izvi kupedzera matombo kuzvidhiidhii idzo njiva dzichauya.
Munyori anoona nezvesarudzo muMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa, VaJacob Mafume, vanotiwo hapana chachinja munyika kubva zvapinda VaMnangagwa muhutongi zvikurusei pamafambisirwo esarudzo munyika idzo MDC inogara ichichemachema kuti dzinobirirwa neZanu PF.
Kunyange hazvo VaChamisa vachiti vakabiririrwa musarudzo dzegore rapera, VaMnangagwa vanoti vakahwinha zviri pachena sezvakataurwa nekomisheni inoona nezvesarudzo yeZimbabwe Electoral Commission izvo zvakatsinhirwa nedare repamusorosoro munyika reConstitutional Court.
Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika uye vari gweta rinoshanda nesangano reHuman Rights Watch kuchamhembe kweAfrica, VaDewa Mavhinga, vanoti kunyange hazvo hurumende yaVaMnangagwa ichigarochema kuti zvirango ndizvo zviri kukanganisa hupfumi hwenyika, kutyorwa kwekodzero dzevanhu kuri kuramba kuchiitwa nehurumende ndiko kuri kukonzera kuti Zimbabwe itadze kudyidzana nedzimwe nyika munyaya dzezvehupfumi.
VaMavhinga vnoati hupfumi hwenyika hucharamba huchiwira pasi kana hurumende ikaramba ichiita chandagwinyira.
VaTongai Mnangagwa vanotiwo kunyange hazvo veruzhinji vari kutarisira kuti zvinhu zvichinje munyikamunyaya dzehupfumi, kuvandudzwa kwehupfumi kuchatora nguva kwete zuva rimwe chete vachiti zviripo zvinobatika zvaitwa nehurumende yaVaEmmerson Mnangagwa zvinoratidza kuti kusamira zvakanaka kwehupfumi hwenyika kwave kuzogadzirika.
Dzimwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinoti hupfumi hwenyika huchasimukira chete kana hurumende ikasimbaradza nyaya dzekurima, kumutsiridzwa kwemaindasitiri pamwe nekutengeserana nedzimwe nyika uye kuona kuti huori hwaparadzwa zvachose mumapazi ose ehurumende.
Nekune rumwe rutivi, dzimwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzinotiwo zvinhu zvinogona kumira zvakanaka chete kana VaMnangagwa vakaita nhaurirano naVaChamisa, avo vakavhoterwa nevanhu vakawanda musarudzo yemutungamiri wenyika.
Facebook Forum