Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Vosvitsa Nhunha Dzavo kuSADC neMugovera


Mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vasvika kuMaputo kuMozambique, uko kuri kuitirwa musangano mukuru weSADC wekugadzirisa gakava rezvematongerwo enyika muZimbabwe.

Musangano weSADC uri kuitwa neMugovera apo mutungamiri weSouth Africa, uye vari muyananisi pagakava remuZimbabwe, VaJacob Zuma, vari kutarisirerwa kuudza vamwe vavo pasvika zvinhu muZimbabwe.

Nyaya iri kutarisirwa kutsviririra kumusangano uyu inyaya yekutarwa kwezuva resarudzo kwakaitwa nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vasina kugara pasi nevamwe vavo sezvinodiwa nechibvumirano chezvematongerwo enyika.

Va Tsvangirai vari kuperekedzwa kumusangano uyu nemunyori anoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika mubato ravo, Va Jameson Timba, munyori mukuru webato, VaTendai Biti, pamwe nemutevedzeri wemubati wehomwe, Va Elton Mangoma.

VaMugabe vakatarisirwa kusimuka Chishanu manheru vakanangawo kumusangano uyu.

Mutauriri waVaTsvangirai, Va Luke Tamborinyoka, vanoti vane chivimbo chekuti SADC ichaita kuti zvese zviri kunetsa panyaya yezuva resarudzo rakatarwa naVaMugabe neChina zvichagadziriswa pamusangano uyu.

Kunyange hazvo veruzhinji vaine tarisiriro yekuti VaMugabe vanogona kudamburwa muswe neSADC pamusana pekusatevedzera bumbiro remitemo kwavanonzi naVaTsvangirai vakaita, sachigaro we National Constitutional Assembly, uye vachidzidzisa zvemitemo paUniversity of Zimbabwe, Va Lovemore Madhuku, vanoti SADC haina simba iri.

Mutungamiri we MDC9, Va Job Sikhala, vanotsinhirawo zvataurwa naVaMadhuku sezvo SADC isina masimba ekuudza nyika zvadzinofanirwa kuitwa.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:47 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG