Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Votsvaga Rubatsiro rweSADC neAfrican Union


VaMorgan Tsvangirai
VaMorgan Tsvangirai
Mutungamiri weMDC huru, uye vari zvakare mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vazivisa neChina kuti vachashanyira nyika dzemudunhu reSouthern African Development, SADC neAfrica Union, UA, vachikumbira vatungamiri venyika idzi kuti vamanikidze mutungamiri wenyika, Va Robert Mugabe, nebato ravo reZanu PF kuti vazadzise misariridzwa yechibvumiramo chezvematongerwo enyika che Global Political Agreement, kuitira kuti nyika ikwanise kuita sarudzo dzakachena.

Vachitaura nevatori venhau pamuzinda webato ravo paHarvest House muHarare, VaTsvangirai vati SADC ne AU sana muzvinapembe pagakava remuZimbabwe, vane chitsvambe chekuona kuti Zimbabwe yaita sarudzo dzakachena.

VaTsvangirai vati zvinodiwa kuitwa zvakatobvumiranwa kare uye VaMugabe nebato ravo reZanu PF ndivo vari kutadzisa kuti zvinhu izvi zviitwe.
Vati izvi zvinosanganisira runyararo munyika, kunyoreswa kwevose vanoda kuvhota, kuvandudzwa kwemashandiro evatapi venhau nezvimwe.

Vatiwo makambani enhau ehurumende akaita seZimbabwe Broadcasting Corporation anofanira kusiyana nekatsika kawo kekunyomba mamwe mapato uye anofanira kupa mukana wakafanana kumapato ese ezvematongerwo enyika.

Vatiwo kunyange hazvo riri basa reZimbabwe Electoral Commission rekufambisa sarudzo, pane nyaya yekuti pane vamwe vasinei nekufambiswa kwesarudzo vave kupindira mubasa reZEC.

Vati nekuda kwaizvozvo, komisheni yeZEC inofanira kuvandudzwa kuitira kuti ishande isina bato rayakarerekera.

Vatiwo komiti yeZEC inoita basa rekukoka nekunyoresa vachauya kuzoongorora sarudzo inofanira kunge iine vamiriri vemapato ese ari muhurumende kwete kubva kubato rimwe chete sezviri kuda kuita Zanu PF pari zvino.

Vaenderera mberi vachiti komisheni ye ZEC ndiyo chete ine mvumo yekusarudza vanhu vachavhotesa uye mukuita izvi ZEC inofanira kuona kuti vashandi vayo nevashandi vehurumende vanenge vasarudzwa vanoita basa ravo zvakajeka vachitevedza mutemo.

Asi vatiwo masangano ezvematongerwo enyika anodawo kupa pfungwa dzawo pakugadzirwa kwegwaro rekuvhotesa kana kuti ballot paper.

VaTsvangirai vati zvakakosha kuti mitemo yese inoona nezvesarudzo igadziriswe kuitira kuti itevedze zvido zvevanhu. Vatiwo mitemo yakaita sePublic Order and Security Act neAccess to Information and Protection of Privacy Act haifaniri kuvepo kana nyika ichifanira kuita sarudzo dzakachena.

Vatiwo vemuchiuto vanofanira kusiyana nezvematongerwo enyika kuitira kuti nyika iite sarudzo dzisina mutauro.

Mashoko aVaTsvangirai anoenderana nemashoko akaburitswa nesangano ravana chipangamazano, re Zimbabwe Democracy Institute, iro rakati kana mauto akaramba achiita zvematongerwo enyika, zvinosvibisa sarudzo dzichaitwa munyika.

VaTsvangirai vati nyika haigoni kuita sarudzo dzachena kana misariridzwa yechibvumirano chakavaka hurumende yemubatanidzwa isina kuzadziswa. Vati vachaedza nepavanogona napo kuti izadziswe sarudzo dzisati dzaitwa.

Nyaya Ina Irwin Chifera
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:40 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG