Accessibility links

Breaking News

NPF Yonyunyuta kuCOMESA Pamusoro peSarudzo


NPF
NPF

Bato rinopikisa reNational Patriotic Front rapa tsamba yenyunyuto kumukuru wekomiti yesangano reCOMESA, VaAshraf Gammal Rashed avo vari kushanya munyika parizvino vachiti nemamiriro akaita zvinhu, Zimbabwe haikwanise kuita sarudzo dzakachena.

Bato iri rinoti chinotodiwa kuti veAfrican Union neSADC vatumire mauto kuzochengetedza runyararo munguva yesarudzo.

NPF yati zvinonetsa kuti hurumende ine vanhu vakapidigura hurumende yaitungamirwa naVaRobert Mugabe, vakaita semutevedzeri wemutungamiri wenyika VaConstantino Chiwenga vaite sarudzo dzakachena.

Bato iri ratiwo mashoko akataurwa nemutevedzeri wegurukota rezvehupfumi VaTerrence Mukupe ekuti mauto achapindira ZANU-PF mutungamiri weMDC-T VaNelson Chamisa vakakunda musarudzo munongedzo wekuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka.

Bato iri ratiwo Zimbabwe Election Commission kana kuti ZEC rinenge risina kunyatsogadzirira sarudzo dzacho sezvo risina kuburitsa nzvimbo dzichavhotera vanhu.

Mutauriri weNPF VaJelousy Mawarire vanoti tarisiro yavo sebato rinopikisa ndeyekuti vapepeti vegwaro revavhoti nevachatungamiriria basa resarudzo vacherechedze kukosha kwekuita kuti dziitwe zvakachena pajekerere.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG