Accessibility links

Breaking News

VaTrump Vanogadzwa Kuitwa Mutungamiri weAmerica


VaTrump vachitoreswa mhiko.

Shoroma yakapfumisa yemuAmerica, VaDonald Trump, vatoreswa mhiko yekuva mutungamiri weAmerica wechimakumi mana neshanu.

VaTrump vatoreswa mhiko nemukuru wevatongi vematare edzimhosva, Chief Justice John Roberts masikati eChishanu muWashington DC.

VaTrump vati vacharemekedza bumbiro remitemo yeAmerica, vakakumbira mwari kuti avabatsire.

Vasiya basa remutungamiri wenyika, VaBarack Obama, vaona VaTrump vachitoreswa mhiko. VaObama vanga vaine mudzimai wavo, Amai Michelle Obama.

Mushure mukutoreswa mhiko, VaTrump vaperekedza VaObama nemudzimai wayo ndokuvaona vachitakurwa nechikopokopo chemauto icho chavatakura kuenda ku Joint Base Andrews, muMaryland uko vachashandisa ndege yemutungamiri wenyika, Air Force One, kuenda kunzvimbo yavanoda kumbonozorora.

Zvinonzi VaObama nemudzimai wavo vachaitira zororo ravo kuPalm Springs mudunhu reCalifornia. Pane mashoko ari kubuda anoti VaObama nemhuri yavo vari kuronga kuzogara muPalm Springs.

Asi pari zvino vachambogara muWashington kudzamara mwanasikana wavo mudiki, Natasha (Sasha) apedza chikoro chake muWashington.

Vachitaura neChina manheru, VaTrump vakati nyika ichaona zvinoyevedza apo vachatoreswa mhiko semutungamiri weAmerica.

VaTrump vari kuvimbisa kushanda zvakasimba, kubatanidza vanhu vemuAmerica, uye kuti America ive nyika yakakoshera munhu wese.

Zvichitevera mabiko akaitwa neChina manheru pachivakwa cheLincoln Memorial, VaTrump vakaudza zviuru nezviuru zvevanhu kuti pasi rose riri kuona zviri kuitika muAmerica.

Trump speaks at inaugural concert, says things are going to change
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Kuratidzira

Nezuro manheru, vanhu vasiri kufarira VaTrump vairatidzira vakanetsana nemapurisa panze pemuzinda we National Press Club muWashington. Vaive mukati meNational Press Club vachiita mabiko ekupemberera hurongwa hwekugadzwa kwaVaTrump vakati zvinosuwisa zvainge zviri kuitika.

Varatidziri vaidaidzira vachiti "Havadi Trump. Hatidi Vanoita Zvakapfurikidza Mwero muAmerica" panguva iyo mapurisa aiedza kubvisa varatidzi ava pamusuwo wemuzinda uyu.

Vamwe vanhu vairatidzira vakanda zvinhu vachitema mapurisa. Pane moto wakabatidzwa mumugwagwa. Mapurisa akapfapfaidza mushonga kuvanhu ava kuti vaparare.

Muguta reNew York, zviuru nezviuru zvevanhu zvakaungana munzvimbo yekutandararira yeCentral Park, iyo iri pedyo nemuzinda waVaTrump muguta iri. Vanhu ava vakaungana vaine chinangwa chekuita ratidziro isati yamboitwa kumutungamiri mutsva weAmerica.

Vakataura vanosanganisira meya weNew York, Bill de Blasio, shasha inogadzira mafirimu, Michael Moore, pamwe nevatambi wemumafirimu, Robert de Niro na Cher.

Vamwe vakataura mutambi wemumafirimu, Alec Baldwin, uyo ane mutambo wefirimu rine munhu anoita saVaTrump rinosekesa vakawanda, asi richitsamwisa VaTrump.

Sean Spicer, uyo achange ari mutauriri waVaTrump muWhite House akaudza vatori venhau kuti VaTrump vari kugadzirisa gwaro ravo ravachaverenga nhasi.

Spicer akati mashoko aVaTrump achaburitsa hwaro hwavo hweAmerica yavachange vachitungamira.

President-elect Donald Trump and his wife Melania Trump arrive at a pre-Inaugural "Make America Great Again! Welcome Celebration" at the Lincoln Memorial in Washington, Jan. 19, 2017.
President-elect Donald Trump and his wife Melania Trump arrive at a pre-Inaugural "Make America Great Again! Welcome Celebration" at the Lincoln Memorial in Washington, Jan. 19, 2017.


Kutarwa kwemutemo nemutungamiri wenyika

Kutanga neChishanu uye nemuzuva mashoma anotevera, VaTrump vachadzika mitemo icharatidza shanduko. Spicer anoti VaTrump vachiri kushanda vachiona kuti ndezvipi zvinoda kuvandudzwa.

VaTrump vanogona kubvisa zvimwe zvakaitwa nemutungamiri weAmerica ari kusiya basa VaBarack Obama.

Vachange vari mutevedzeri wemutungamiri weAmerica, Va Mike Pence, vanoti vachashanda naVaTrump sezvo vakatogadzirira kushandira vanhu vemuAmerica kutanga nhasi.

WATCH: Pence Thanks Obama, Biden for Smooth Transition

Vice President-elect Mike Pence Thanks Obama for Smooth Transition
please wait

No media source currently available

0:00 0:00:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Kusarudzwa kwemakurukota kwakatopera

Nekudomwa kwevaimbove gavhuna we Georgia, Sonny Perdue, segurukota rezvekurima, Spicer anoti VaTrump vakadoma vanhu vose muzvinzvimbo makumi maviri nechimwe mudare ravo remakurukota.

Akatiwo vanhu vanodarika mazana mashanu vatove nezvinzvimbo mumapazi ehurumende muWashington uye vachatanga kushanda neMuvhuro apo pachatanga hurumende itsva kushanda.

Spicer akati vanhu makumi mashanu vaishandira hurumende yaVaObama vakabvuma kuramba vari muhurumende kuitira kuti vashande naVaTrump.

President-elect Donald Trump, accompanied by Vice President-elect Mike Pence places a wreath at the Tomb of the Unknowns, Jan. 19, 2017, at Arlington National Cemetery in Arlington, Virginia.
President-elect Donald Trump, accompanied by Vice President-elect Mike Pence places a wreath at the Tomb of the Unknowns, Jan. 19, 2017, at Arlington National Cemetery in Arlington, Virginia.




Uye nemusi weChina, vachiperekedzwa naVaPence, VaTrump vakaisa maruva kumarinda epaArlington National Cemetery, uko kwakaradzikwa mauto anodarika mazana mana eziuru, pamwe nemhuri dzavo.

VaTrump vakapedza China manheru vari munhuwo zvavo vari paBlair House, imba yehurumende inogara vashanyi vanoremekedzwa. Imba iyi iri pedyo ne White House.

People watch video monitor showing President-elect Donald Trump laying a wreath at the Tomb of the Unknowns at Arlington National Cemetery before the start of a pre-Inaugural "Make America Great Again! Welcome Celebration" at the Lincoln Memorial in Washington, Jan. 19, 2017.
People watch video monitor showing President-elect Donald Trump laying a wreath at the Tomb of the Unknowns at Arlington National Cemetery before the start of a pre-Inaugural "Make America Great Again! Welcome Celebration" at the Lincoln Memorial in Washington, Jan. 19, 2017.

XS
SM
MD
LG