Accessibility links

Breaking News

South Sudan Yotsvaga Rutsigiro Kubva kuZimbabwe paHondo Yayo neSudan


Chikwata chedare reparamende yekuSouth Sudan chiri munyika, umo chiri kutsvaga rutsigiro kubva kuZimbabwe rwekubatsira nyika iyi pagakava rayo neSudan.

Mukuru wechikwata ichi, Amai Bangout Amin Akech, vaudza vatori venhau mushure mekusangana namutauriri weHouse of Assembly, VaLovemore Moyo, kuti South Sudan inoda zvekupedza gakava pakati payo nesudan murunyararo.

Amai akech vati nyika yavo iri kunetsana nesudan panyaya yemafuta e oiri, miganhu yenyika iyi vakati idzi handidzo nyaya dzingaite kuti nyika mbiri idzi dzirwisane. Vati south sudan yakazvipira kushanda nesudan pamwe nekubatsira nyika iyi nemafuta.

Vatiwo nyika yavo yakazvipirawo kushanda nekudyidzana nenyika dzese dzemuafrica. Amai akech vati vanoshushikana chose kuti nyika dzemuafrica hadzisi kudyidzana kana kubatsirana sezvedzinofanira kunge dzichiita.

Vatiwo zvakakosha kuti nyika idzi dzizive zvinenge zvichiitika munyika dzadzakavakidzana nadzo kuitira kuti dzikwanise kubatsira kana pachinge pamuka kusawirirana sekuri pakati pesouth sudan nesudan.

Nyika mbiri idzi dziri kupokana panyaya dzemiganhu south sudan ichiti sudan iri kuramba ichitora chikamu chayo, kutora mafuta ayo pamwe nekurwisana nezvizvarwa zvesouth sudan. Vamoyo vati zimbabwe yakazvipira chose kubatsira south sudan uye vati vaudza chikwata chabva kunyika iyi kuti chigadzirise matambudziko acho murunyararo.

Chikwata ichi chazoitawo musangano nemukuru wedare resenate, amai ednah madzongwe. Zvichakadai dare reparamende ratanga kugara zvakare nhasi mushure mekuenda kuzororo muna kurume.

Mutaurariri wedare rehouse of assembly audza nhengo dzedare iri kuti hadzisi kuzobvumidzwa kutaura pamusoro pebhiri reurban councils ammendment bill iro rakaunzwa mudare iri sezvo gurukota rezvemamatunhu, vaignatius chombo, vakaenda kumatare edzimhosva vachipikisa bhiri iri pamwe nekuunzwa kwaro mudare.

Bhiri iri rakaunzwa nenhengo yemdc ino tungamirirwa nemutungamiriri wehurumende,vamorgan tsvangirai, vatangwara matimba vekubuhera central avo vari kuda kuti masimba ekugurukota iri aderedzwa sezvo masimba avainawo akawandisa uye asiri kushandiswa nemazvo.

Dare iri rinotarisirwa kuzeyawo mamwe mabhiri akaita sebhiri rezimbabwe human rights commission pamwe nedzimwe nyaya risati ravhara zvakare mwedzi unouuya. Kunetsana kuti kuenderera mberi pakati pemdc-t nezanu-pf panyaya yemabhiri anounzwa kudare nenhengo dzeparamende iri kutarisirwa kutsviriridza zvakare muchikamu chino cheparamende.

Mabhiri ari kunetsa anosanganisa rezimbabwe human rights commission bill, electoral amendment bill, uye rekuvandudza posa. Vezanu-pf vanoti mitemo yose inofanira kuuya kudare kuburikidza nemakurukota ari kutungamira nhaurirano mumapato ari muglobal political agreement.

Asi vanokokera mdc-t mudare reparamende, va innocent gonese, vanoti pasi pemutemo hapana chinovamisa kuunza mitemo kudare reparamende kana kuzeya mabhiri nekudaro vari kuenderera mberi nekuita izvi.

Zanu-pf yakatotuma munyori wayo munyaya dzemitemo, vaemmerson mnanganwa, kuti vanoudza mutauriri wedare reparamende, valovemore moyo, kuti nhengo dzemdc dzimise tsika yekuunza mabhiri kudare asina kutenderanwa nemapato ose. Hatina kukwanisa kutaura navamoyo navamnangagwa nezvenyaya iyi. Nyanzvi munyaya dzezvemitemo dzinoti zviri kuitwa nezanu-pf kutyora mitemo yenyika uye kuda kudzivirira shanduko. Tabata vaandrew makoni, gweta rinorwira kodzero dzevanhu vachishanda nekambani yemagweta yembidzo, muchadehama and makoni, kuti tinzwewo maonero avo.

XS
SM
MD
LG