Accessibility links

Breaking News

South Africa Yobvumidza Mangoda ekwa Marange Kupinda Munyika Yavo


Va Zondi vati South Africa iri kutarisa zvido zvayo munyaya dzezvehupfumi nekuti mangoda ari kunetsa kune vemabhizinisi vayo vanochenesa kana kuporisha mangoda. Vati sekuziva kwavo Zimbabwe yakaita zvese zvinodiwa ne Kimberley kuti itengese mangoda zviri pamutemo

South Africa inoti yakutanga kutambira mangoda ekwa Marange kunyange hazvo Kimberly Process isati yabvumirana kuti Zimbabwe yotengesa mangoda aya pamisika yepasi rose here kana kuti kwete.

Pane kusawirirana pakati penhengo dze Kimberley Process kuti Zimbabwe yopihwa mvumo here kana kuti kwete yekutengesa mangoda ayo ekwa Marange.

Asi South Africa, kuburikidza naMuzvare Dithuso Kgari, vanoona nezve Kimberley Process mubazi remighodhi mu South Africa, yati yava kupa mvumo kune makambani emu South Africa kuti atenge mangoda eku Zimbabwe.

Studio Seven yabata mutauriri wa Amai Susan Shabangu, vanova gurukota remighodhi mu South Africa, Va Musa Zondi, avo vati ichokwadi kuti South Africa yava kutambira zviri pamutemo mangoda ekwa Marange.

Va Zondi vati South Africa iri kutarisa zvido zvayo munyaya dzezvehupfumi nekuti mangoda ari kunetsa kune vemabhizinisi vayo vanochenesa kana kuporisha mangoda. Vati sekuziva kwavo Zimbabwe yakaita zvese zvinodiwa ne Kimberley kuti itengese mangoda zviri pamutemo. Vatizve sachigaro ve Kimberley Va Mathieu Yamba ve DRC vakatotara kare kuti mangoda aya ari pamutemo.

Tabata Va Farai Maguwu, executive director ve Centre for Research and Development in Mutare.

Va Maguwu vanowirirana naVa Alan Martin kuti ve Africa Canada Partnership avo vari kutiwo South Africa yaita zvisiri pamutemo. Va Maguwu vati izvi zvichaita kuti chimiro che KP chisare chisina kumira zvakanaka.

Gurukuto remigodhi Va Obert Mpofu vati Zimbabwe yakatoita zvese zvinodiwa saka South Africa yawona zvakakodzera kuti ibvumidze mangoda aya kupinda munyika yavo.

XS
SM
MD
LG