Accessibility links

Breaking News

South Africa inoti Sarudzo muZimbabwe Gore Rino Hadzikwanisike

South Africa's President Jacob Zuma, attends a meeting with European Council President Herman Van Rompuy, and European Commission President Jose Manuel Barroso, at the European Council building in Brussels, Tuesday, Sept. 28, 2010. (AP Photo/Yves Logghe)

South Africa inova mutongi gava wesadc panyaya yeZimbabwe inoti hakuna sarudzo dzichaitwa gore rino sezvo pachine zvinhu zvakawanda zviri kuda kuti zvigadziriswe.

Chipangamazano chemutungamiri wenyika iyi VaJacob Zuma, muzvare Lindiwe Zulu vaudza bepanhau reNewsday kuti havateerere zvinobva kubato reZanu-PF nekuti ivo vanoshanda nevanhu vari kutungamira nhaurirano chete.

Politiburo yeZanu-PF neChitatu yainge yapika kuti sarudzo dzinotofanira kuitwa gore rino chete. Asi South Africa inoti rwendo rwuchiri rwurefu sezvo pari kudiwa kuti pagadzirwe hwaro hwesarudzo uye kuzadzikisa misariridzwa yechibvumirano cheGlobal Political Agreement.

Asi mutauriri weZanu-PF VaRugare Gumbo vanoti zviri kutaurwa neSouth Africa hazvina maturo.

Mubati wehomwe muMDC VaRoy Bennet vanoti zviri kudiwa neZanu-PF hazvisi kuzoitwa sezvo MDC isingapinde musarudzo dzisina kuchena.

XS
SM
MD
LG