Accessibility links

Breaking News

Vamwe Vanoti VaChamisa Vachakunda Musarudzo yeMutungamiri Muna 2023


VaNelson Chamisa naVaEmmerson Mnangagwa
VaNelson Chamisa naVaEmmerson Mnangagwa

Vakawanda vanoshanda vari muBotswana vanoti vanoshuvira kuti MDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa ikunde musarudzo dzichaitwa munyika sezvo hurumende iripo pari zvino, iri kutadza kugadzirisa matambudziko akatarisana nenyika.

Nyanzvi dzinoongorora mafambiro anoita nyaya dzematongerwo enyika dzinoti VaChamisa vane mukana mukuru wekukunda mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, musarudzo yemutungamiri wenyika ichaitwa muna 2023.

Nyanzvi idzi dzinoti VaChamisa vari kuratidza kuti vachiri vechidiki, uye vakawanda vanotarisira kwavari kuti vagadzirise zviri kunetsa munyika, izvo zviri kutadza kuitwa naVaMnangagwa.

Imwe nyanzvi mune zvematengerwo enyika, uye vari mudzidzisi wemutemo paGaborone University College of Law and Professional Studies, VaCharles Kungwengwe, vanoti VaMnangagwa vava hari yofanzira kufa kana vachienzwaniswa naVaChamisa.

Izvi zvinotsigirwa naVaNicholas Mutambanengwe, avo vanodzidzisa zvematongerwo enyika paUniversity of Botswana.

VaMutambanengwe vanoti mamiriro ezveupfumi ndivo achaita kuti Zanu PF ibviswe pachigaro.

Chimwewo chizvarwa cheZimbabwe chiri kuita zvidzidzo paBotswana Open University, VaSolomon Gurajena, vanoti kushandira pamwe kwaVaChamisa, nevatevedzeri vavo vakasarudzwa pakongiresi yebato ravo, VaTendai Biti, Amai Lynette Karenyi KorenaVaWelshman Ncube, kuchapa MDC chiremerera.

Imwe nyanzwi mune zvematongerwo enyika, VaPhineus Murombedzi, vanoti mamiriro ehupfumi munyika ari kusiya VaMnangagwa vari panyanga dzamushore.

Mumwe muongorori wezvematengerwo enyika, VaTerrence Sangara, vayambira VaChamisa kuti vatsvage rubatsiro kubva kumasangano akafanana neSADC, African Union, pamwe neUnited Nations mukuona kuti mitemo inobata sarudzo yavandudzwa.

Asi kune vamwe vanoti Zanu PF inogona kukunda musarudzo dzichaitwa munyika sezvo pachine nguva yekugadzirisa zviri kunetsa munyaya dzehupfumi.

Mumwe wevanhu vane pfungwa dzakadai, VaNdabezile Ncube, vanoti VaMnangagwa vakagadzirisa zviri kunetsa munyika, veruzhinji vachavavhotera zvakare.

Pachaitwa sarudzo muna 2023, VaMnangagwa vanenge vave nemakore makumi masere nerimwe, ukuwo VaChamisa vaine makore makumi mana nemashanu.

Izvi zvinonzi nevakawanda zvinopa mukana kuna VaChamisa sezvo nyika dzakawanda dziri kuvhota dzichisarudza vatungamiri vachiri kukura, kwete vakwegura.

Asi kupindira kwemauto munyaya dzematongerwo enyika, sezvaakaita pana vaimbove mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, muna Mbudzi 2017, kunopawo vakawanda pfungwa yekuti kunyange mapato anopikisa akakunda musarudzo, havaoni Zanu PF ichitambira kukundwa sezvo iine rutsigiro rwemauko.

Asi vakawanda vari munyika nekunze kwenyika vanoti vamirira kusvika kwa2023 kuti vaone kuti ndeupi mukono ucharigwa pakati paVaMnangagwa naVaChamisa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:49 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG