Accessibility links

Breaking News

Solidarity Peace Trust Inoburitsa Gwaro Rinoongorora Hupenyu hweGPA


Sangano reSolidarity Peace Trust, kana kuti SPT, raburitsa muJohannesburg South Africa gwaro rinoongorora hupenyu hwechibvumirano cheGlobal Political Agreement, kana kuti GPA.

Gwaro iri rinonzi “The Hard Road To Reform” uye rinotarisa mashandisiro ari kuita Zanu-PF muzvinhu zvakaita semhirizhonga muhurumende yemubatanidzwa. SPT inoti kunyange hazvo GPA ine zvakawanda zviri kunetsa, chibvumirano ichi chakakwanisawo kumanikidza Zanu PF kuti rive bato rinosungirwa kutambira zvimwe zvarinofanirwa kunge richiita, izvo zvarakanga risingaite muna 2008 zvichidzoka kumashure.

Sangano iri rinokomekedza masangano eSADC ne African Union kuti abatsire mukugadzirisa zviri kunetsa muZimbabwe, richiti nyika dzakaita seChina, dziri kukwanisa kubatsira divi re Zanu PF muhurumende.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, uye vachishanda pa University of Zimbabwe, VaJohn Makumbe, vanoti zvinhu hazvina kumira zvakanaka muhurumende yemubatanidzwa zvichikonzerwa neZanu PF.

XS
SM
MD
LG