Accessibility links

Breaking News

Vagari muKariba Vofarira Kupinda kweZPC Munhabvu yePamusoro


Muguta reKariba mune mufaro unotyisa mushure mekupinda muCastle Lager Premier Soccer League kwechikwata chekambani yemagetsi, Zimbabwe Power Company, ZPC Kariba.

MuKariba hamusi kudaidzwa anonzwa apo vagari vemuguta iri vari kupemberera kupinda muCastle Lager Premier Soccer League kweZPC Kariba.

Chikwata ichi ndicho chekutanga kubudirira kubva muguta iri kutamba nhabvu yepamusoro kubvira nhabvu iyi yatanga muZimbabwe mugore ra 1962.

Asi vari kupemberera havasi vateveri venhabvu chete asi guta rese vamwe vacho vachitarisira bhizimisi richauya zvichitevera mhomho ichange ichishanya kuuya kuzokuza zvikwata zvavo apo zvichange zvichatamba neZPC Kariba.

Mugari wemuguta iri, VaSimbarashe Matonho, vari kutorota mazimari achaitwa nevanhu vemuguta iri nekuuya kwenhabvu yepamusoro.

Mumwe Mugari wemuguta iri, Muzvare Marita Sunga, vanoti kupinda kweZPC Kariba kuchabatsira zvikuru kusimudzira zita reguta iri.

Asi vatsigiri venhabvu vari kunyanyofara kuti kubudirira kweZPC Kariba kuchavapawo mukana wekuona vatambi venhabvu vanoshura mare avo vavanga vasina mukana wekuona.

Muteveri weZPC Kariba, VaPeter Shumba, vanoti ZPC Kariba icharatidza tarenda renhabvu rakafararira muguta iri.

ZPC Kariba ichawanawo rutsigiro kubva kuvanhu vese vekuMashonaland West sezvo chikwata ichi chiri icho chete chichange chiri muPremier Soccer League kubva mudunhu iri.

Vanotevera nhabvu vanoti Black Rhinos, iyo inotambira muKadoma, haisi yemudunhu iri, sezvo ine muzinda wayo muHarare.

Izvi zvinotevera kuparara kwakaita chikwata chaimboshura mare, cheRio Tinto, icho chisispo mushure mekunge chazosandura zita zvekare kuzviti Eiffel Flats.

Murairidzi wechikwata cheZPC Kariba, Jostein Mathuthu, uyo akamborairidza zvikwata zveLengthens ne Shooting Stars muPremier Soccer League, anoti ZPC Kariba haisi kupinda muPSL kunowedzera zvikwata zvirimo asi kunorwira mikombe.

Asi Mathuthu ari kuyambirwa kuti anofanira kudzivirira chikwata chake kutevera nzira imwe chete nezvikwata zvakaita se Hardbody, Kambuzuma, Tripple B, ne Underhill izvo zvakabuda muPremier Soccer League gore rimwechetero zvatanga kutamba nhabvu yepamusoro iyoyi.

Nyaya Ina Michael Kariati
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:43 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG