Accessibility links

Breaking News

Kushayikwa kwePeturu neMafuta eKubikisa Kwotemesa Vakawanda Musoro


Magaraji haana peturu
Magaraji haana peturu

Mumaguta akasiyana siya munyika vanhu vazhinji vachiri kunetseka nekuwana mafuta edzimotokari.

Izvi zviri kuita kuti vanhu ava vaswere vari mumitsetse kunyange hazvo mafuta aya ambokambowanikwa kwenguva pfupi nemusi weChipiri.

Muzvitoro zvakawanda, vanhu vakanga vachionekwa vachitenga zvinhu zvakawanda, zvikuru mafuta ekubikisa.

Muzvitoro zvakaita se OK ne Pick’n’Pay muMasvingo, makanga muchiwanikwa mabhodhora madiki emafuta anowanzotengwa nevanoshaya.

Mumwe mugari wemuMasvingo, VaLewis Mbunga, vakati vakatenderera zvitoro zvose vakashaya mabhodhoro makuru emafuta avakange vachida kutenga.

VaMbunga vakati semuguta reMasvingo mafuta atova dambudziko chairo.

“Mashops ese hamuna mafuta; takatenderera tikashaiwa asi arikuwanikwa kublack market ende achidhura futi,” VaMbunga vakaudza Studio 7.

Vanofamba nedzimotakari vanotiwo peturu ichiri kunetsa uye magaraji mashona ari kutengesa peturu iyi, ari kuda mari yekuAmerica chete.

Mumwe mutyairi, VaJames Shava, vanoti mafuta epeturu achiri kungonetsa uye vanhu vave kutoita zvechioko muhomwe kuti vaiwane.

Mumwe mutyairi, VaJames Wasu, vanotiwo vemagaraji vari kurambawo kushandisa makadhi ekubhanga sezvo vari kuda kubhadharwa nemadhora ekuAmerica.

“Hatisi kukwanisa kumwa fuel neEco Cash; vanoramba uye kuita ‘swipe’ vari kuramba,” VaWasu vakaudza Studio 7. “Unokwanisa kushaya fuel iwe une mari muhomwe.”

Mumaguta akaita seHarare, Chinhoyi, Gweru, Bulawayo neMutare, zvinhu hazvinawo kumira zvakanaka.

Zvichitevera kushaikwa kwemari, vakawanda vanoti gavhuna webhanga guru renyika, VaJohn Mangudya, vanofanirwa kusiya basa.

Asi mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vanoti vamwe vavo ndivo vakakonzeresa kushaikwa kwezvinhu panguva iyo vanga vari kumusangano weUnited Nations General Assembly kuNew York muAmerica.

VaMugabe vakati vachatorera vanhu ava matanho akasimba mukati memazuva maviri.

Gandri Maramba Anotipa Nyaya Iyi
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG