Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Chivabvu 01, 2018.


Nhau DzeShona Studio7
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:21 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mapurisa anosunga varume vana vanga vakavharira vana vadiki vanomwe mumotokari yavo kuNorton – uye hazvisati zvazivikanwa kuti vanga vachida kuita seyi nevana ava.

Zimbabwe inobatana nenyika dzepasi rose mukucherechedza zuva revashandi panguva iyo vashandi munyika vari kuchema chema nerekushaya mari, pamwe nekuomerwa kwehupenyu.

Sarudzo dzekutsvaga vachamirira Zanu PF musarudzo dzichaitwa munyika dzosiya mikono yakawanda yapunzirwa pasi, uye paine kutaura kukuru mubato iri.

Vakuru vemakanzuru nezvikoro vochema chema nekushandiswa kwakaitwa zvikoro nezvivakwa zvavo neZanu PF pasina muripo apo yaiita sarudzo dzema primaries.

Zimbabwe yomutsurudza chirongwa chekurima maruva achinotengeswa kunze kwenyika

Muchirongwa cheThe Connection na8pm, tiri kutarisa zvingadzidzwe nevechidiki kubva kumimhanzi inofarirwa nevakawanda.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, 15460 ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na 6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 13630 Short Wave

Musakanganwe kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu. Endai pa link iyi: https://www.facebook.com/voa.shona/

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG