Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Muvhuro, Zvita 25, 2017


Nhau dzeShona
Nhau dzeShona
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vanhu vemuZimbabwe vanotamba zororo rekisimusi nenzira dzakasiyana siyana.

Nherera dzinochengetwa pamusha weGood Shephard muChinhoyi nhasi dzaita zuva rekisimusi rinofadza sezvo dzaswera dzichidya tunonaka pamwe nekuita mitambo yakasiyana siyana.

Dzimwe nhengo dzeparamende dzinopa vanhu vemunzvimbo dzadzinomirira mupunga wadzinoti dzakapihwa nehurumende.

Vedzisvondo vanotaura pamusoro pezvavari kuita munguva ino yezororo rekisimusi negore idzva.

Tichanzwawo vamwe vakatiza muchiuto vakanopotera kunze kwenyika vachityira hupenyu hwavo mushure mekunetswa nevamwe vavo vechiuto vachinzi vaidyidziraneyi nebato rinopikisa re MDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai.

Muchirongwa cheLivetalk na 8pm, tiri kutarisa zvasera zvichiitwa nevanhu muzuva rekisimusi nhasi.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 6080, 15580 ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwe kuteerera zvimwe zvirongwa zvedu na 6am, uye 2pm mazuva ose.

Musakanganwe kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu. Endai pa link iyi: https://www.facebook.com/voa.shona/

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG