Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Muvhuro, Zvita 18, 2017


Nhau DzeShona Studio7
Misoro yeNhau dzaNhasi, Muvhuro, Zvita 18, 2017
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:15 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Chirongwa cheOperation Restore Legacy chinosvika kwamvura yacheka makumbo mushure mekushanda kwemazuva makumi matatu nemashanu.

Veruzhinji nemapato akasiyana siyana anotambira kupera kwe Operation Restore Legacy vamwe nemufaro, vamwe nekusuwa.

Vanhu vakawanda votarisira zviri kubuda kuSouth Africa musarudzo yehutungamiri hwebato reANC uko VaCyril Ramaphosa vari kukwikwidzana naAmai Nkosazana Dlamini Zuma, chigaro chemutungamiri webato iri.

Vechidiki veMDC-T vopa vanoshaya zvekudya pasi pehurongwa hwekisimusi.

Vaimbove varwiri vehondo yerusununguko vanoti havasi kufara nemaumbirwo akaitwa hutungamiri huri mu presidium.

Muchirongwa cheLiveTalk na 8pm, tiri kutarisa kupera kwaita chirongwa che Operation Restore Legacy.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 6080, 15580 ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwe kuteerera zvimwe zvirongwa zvedu na 6am, uye 2pm mazuva ose.

Musakanganwe kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu. Endai pa link iyi: https://www.facebook.com/voa.shona/

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG