Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Muvhuro, Zvita 11, 2017


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7
Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Zvita 11, 2017
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Masangano akazvimirira okurudzira mapato anopikisa kuti abatane opinda musarudzo aine mutungamiri mumwe chete achakwikwidzana naVaEmmerson Mnangagwa veZanu PF.

Bato re People’s Democratic Party roshushikana nemaitiro emauto ayo anonzi ari kutyora kodzero dzevanhu.

Nhengo dze MDC Alliance dziri kushanya muAmerica umo dziri kupangana mazano nevakuru vakuru munyaya dzematongerwo enyika pamwe nemasangano avana chipangamazano.

Bazi rezvehutano rinoti riri kushushikana nehuwandu hwevana vanofa mushure mekuberekwa nguva yavo yekuzvarwa isati yakwana.

Muchirongwa cheLiveTalk na 8pm, tiri kutarisa mashandiro ari kuita makurukota takatarisa zvavanofanirwa kunge vaita mumazuva zana kubva musi wavatoreswa mhiko.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwe kuteerera zvimwe zvirongwa zvedu na 6am, uye 2pm mazuva ose.

Musakanganwe kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu. Endai pa link iyi: https://www.facebook.com/voa.shona/

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG