Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Zvita 10, 2021


Misoro yeNhau
Misoro yeNhau

Vanhu vatatu vakafa nechirwere cheCovid-19 nezuro uye vanhu zviuru zvishanu nezana nemakumi masere nevapfumbamwe vakabatwa nechirwere ichi nezuro wakare.

Rimwe sangano revarairidzi, reProgressive Teachers Union of Zimbabwe, rinoti denda reCovid-19 razara muzvikoro uye hapana matanho ari kutorwa ekudzivirira vana nevarairidzi vari kunyora nekunyoresa bvunzo.

Asi mutauriri webazi redzidzo yepasi, VaTaungana Ndoro, vanoti Covid-19 yagara iri muzvikoro hurumende ichitora matanho ekuidzivirira kunyange hazvo paita kukwira kwehuwandu, uye vari kunyora bvunzo vaine Covid-19 vari kunyoreswa vari kwavo voga.

Nyanzvi munyaya dzehutongo hwejechetere dzinoti kusakokwa kweZimbabwe kumusangano we US Democracy Summit wakatanga muAmerica nezuro, munongedzo mukuru wekuti hukama hweZimbabwe neAmerica hausati hwagadziriswa.

Nhasi pasi rose riri kucherechedza zuva rekodzero dzevanhu, kana kuti Human Rights Day, nyanzvi munyaya dzekodzero muZimbabwe dzichiti kodzero dzevanhu dzakatyorwa zvakanyanya mugore rino ra 2021, uye izvi zvakawedzerwa nekuvapo kwedenda reCovid-19.

Masangano anorwira kodzero dzengochani anoti ari kutambira nemaoko maviri danho rakatorwa neBotswana rekubvumidza ngochani kuita zvadzinoda pamadiro ajojina munyaya dzerudo nedzepabonde, izvo anoti zvinofanirwa kuitwawo nedzimwe nyika dziri kuchamhembe kweAfrica.

Varimi vakawanda vekuMasvingo voshushikana nekunonoka kwaita mvua kunaya vachiti izvi zvichavhiringa goho ravo.

Sangano rePremier Soccer League ramisa mitambo mishanu iyo yanga ichifanirwa kutambwa mukupera kwesvondo nemhaka yechirwere cheCovid 19, icho chakabata vatambi vezvikwata izvi.

Muchirongwa cheLiveTalk na 8pm tiri kutarisa dambudziko reCovid-19 pamwe nezviri kubuda kumusangano US Democracy Summit.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG