Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Kubvumbi 10, 2020.


Nhau DzeShona Studio7

Hurumende, iyo iri kutatarika kuchengetedza zvipatara zvayo zvose zviri munyika, inotora makiriniki ose ari pasi pemakanzuru ichiti ashandiswe munyaya dzekurwisa chirwere cheCoronavirus

Vatenderi vechiKristu vanorangarira zororo reEaster Holiday vasingaungani kekutanga sezvo vanhu vasiri kubvumidzwa kuungana nepamusana pechirwere cheCoronavirus chanetsa pasi rose.

Vatori venhau vochema chema nekushungurudzwa kwavanoti vari kuitwa nempurisa nemasoja apo vanenge vachiita basa ravo zviri pamutemo munguva ye Lockdown.

Mutambi wetsiva ane mukutumbira pasi rese, Charles Manyuchi, haasi kuzorora mugadziriro yake yekudzivirira bhande rake reWorld Boxing Federation kunyange hazvo mutambo uyu wambomiswa nemhaka yechirwere cheCoronavirus. Michael Kariati anotipa nyaya iyi.

Muchirongwa cheLiveTalk na 8pm tiri kutarisa mamiriro akaita zvinhu munyaya dzeCoronavirus.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG