Accessibility links

Breaking News

Seneti Inotambira Bumbiro Idzva reMitemo


Dare reseneti rapasisa bhiri rebumbiro idzva, Constitution of Zimbabwe Amendment Number 20 sezvange zvakatarisirwa. Asi bhiri iri richadzorwa kudare reHouse of Assembly neChitatu kuti dare iri rizeye zvasandurwa neseneti bhiri iri risati raendeswa kunosainwa nemutungamiriri wenyika, VaRobert Mugabe.

Gurukota rinoona nezvebumbiro pamwe neparamende, VaEric Matinenga, vakwidza bhiri iri kudare reseneti nhengo dzese dzange dziri mudare iri dzavhotera bhiri iri mushure mekurishandura zvishomanani.

Mukuru wedare reseneti, Amai Edinah Madzongwe, vati nhengo dzavhotera bhiri iri dzange dzakawanda kudarika dzinodiwa pamutemo kuti ripase.

Nhengo kubva kumapato ese ari muhurumende pamwe nemadzishe dzati dzinofanra chose nebumbiro idzva uye dzati bumbiro iri richaunza runyararo, kugadzikana pamwe nebudiriro munyika.

Asi VaMatinenga vayambira nhengo idzi kuti bumbiro rakanaka harina zvarinobatsira kana risingaremekedzwi.

Sachigaro weZanu PF, uye vari nhengo dzedare reseneti, VaSimon Khaya Moyo, vati bumbiro idzva rakanaka chose uye richapedza kutambura nekuchema munyika uko kwange kuri kukonzerwa nebumbiro reLancaster iro riri kushandiswa pari zvino.

Seneta Sekai Holland veMDC-T vatenda VaMatinenga nevamwe vose vavakashanda navo mukuumba bumbiro idzva iro vati rinosimudzira madzimai zvikuru munyaya dzezvematongerwo enyika.

Gurukota rezvedzidzo, VaDavid Coltart, avo vanove nhengo yeMDC inotungamirirwa negurukota rezvemaindasitiri nemabhizimisi, VaWelshman Ncube, vati bumbiro idzva rakanaka chose asi vakati rinogona kuvhiringwa kana vanhu vakasiritevedza.

Vatiwo havana mufaro nenyaya yekuti bumbiro iri haripi simba kudare reparamende.

Vataura akamirira madzishe, Ishe Enos Musarurwa vekuMashonaland East, vatiwo sezvo bumbiro ravepo vezvematongerwo enyika vanofanira kuchironga sarudzo kwete kuswera vachinetsana nezvinhu svisina basa.

Zvichakadai, mutauririri wedare reHouse of Assembly, Va Lovemore Moyo, vaudza vanokokera nhengo dzedare reHouse of Assembly kubva kumapato ese kuti vakoke nhengo dzavo dzose kuti dziiuye kuparamende neChitatu kuti dzizozeya bhiri rezvebumbiro idzva iro ratambirwa neseneti mushure mekunge ravandudzwa zvinhu zvishoma.

Nyaya Ina Irwin Chifera
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:27 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG