Accessibility links

Breaking News

Mauto Okurudzirwa Kusaita Zvematongerwo eNyika


Rimwe remasangano evana chipangamazano munyika rinoti Zimbabwe inogona kutadza kuve nehutongi hwejekerere kana mauto nemapurisa akaramba achiita zvematongerwo enyika.

Sangano reZimbabwe Democracy Institute, ZDI, rinoti izvi zvinoitika kana mashandiro emauto nemapurisa akasavandudzwa sezvakatarwa muchibvumirano chemapato ari muhurumende, che Global Political Agreeement.

Vachitaura apo vange vachiparura gwaro resangano ravo rakanangana nevemuchiuto nesarudzo, rinonzi Security Sector fFctor in Zimbabwe’s Political and Electoral Affairs, mukuru weZDI, VaPedzisai Ruhanya, vati zvakakosha kuti hurumende yemubatanidzwa igadzirise nyaya yevemuchiuto nemapurisa vanoita zvematongerwo enyika kuitira kuti nyika iite sarudzo dzakajeka.

Vati vezvematongerwo enyika, masangano akaita seSouthern African Development Community, SADC, pamwe neAfrican Union, AU, vanofanirawo kutaura nevakuru vemapurisa nemauto vachivaudza kuti vasiyane nezvematongerwo enyika, uye kuti vaite basa ravo rekudzivirira nekuchengetedza runyararo munyika.

VaRuhanya vati mauto nemapurisa anofanira kuita chitsidzo chekuti acharemekedza zvinenge zvabuda musarudzo.

Vatiwo mauto anofanira kuramba kushandiswa neZanu PF kuita zvematongerwo enyika. Asi vati izvi zvakaoma sezvo mauto aya ari kubatsirikana munyaya dzehupfumi kuburikidza nekutsigira Zanu PF.

VaRuhanya vatiwo vemasangano anoshanda akazvimirira vanofanirawo kushanda nesimba mukurudzira hurumende yemubatanidzwa, SADC neAU kuti Zimbabwe ivandudze mashandiro emauto nemapurisa sarudzo dzisati dzaiitwa.

Asi vati zvakakosha kuti masangano aya ataure zvinhu zvechokwadi kuti ateererwe nehurumende nemasangano akaita seSADC neAU.

Mukuru weYouth Forum, VaWellington Zindove, vaudza Studio 7 kuti magwaro akaita seraburitswa neZDI anogona kubatsira masangano akaita seSADC neAU kumanikidza Zimbabwe kuvandudza mashandiro emauto nemapurisa munyika.

Sangano reZDI rakavambwa gore rapera riine chinengwa chekupengura zviri kuitika munyika pamwe nekupa pfungwa dzaro pazvinhu zvinenge zvichiitika munyika senzira yekuunza hutongo hwejechetere munyika yose.

Nyaya Ina Irwin Chifera
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Mune imwewo nyaya, meya veguta reHarare, VaMuchadeyi Masunda, vati vana vanofanira kudzidziswa kuverenga vachiri vadiki kuitira kuti vazokwanisa kubudirira muzvidzidzo nehupenyu hwavo.

VaMasunda vataura mashoko aya pakucherechedzwa kwezuva rekuverengwa nekuchengetedzwa kwekodzero dzevanyori, World Reading and Copyright Day, iro rinocherechedzwa musi wa 23 Kubvumbi gore rega rega.

VaMasunda vazivisawo gungano iri kuti kanzuru yeHarare ichatanga kugadzirisa remabhuku ekuverenga re Harare City Library mushure mekupihwa rubatsiro rwemiriyoni yemadhora nemuzinda weSweden muZimbabwe nguva pfupi yapfuura.

Nyaya Ina Irwin Chifera
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG