Accessibility links

Breaking News

Chikamu cheBVR Chokutanga Chopera neChitatu


BVR Byo
BVR Byo

Chirongwa chekutanga chekunyoresa vanhu kuti vavhote chiri kupetwa neChitatu vagari vemunzvimbo dzakaitwa chirongwa ichi vachinyunyuta vachiti vari kutyisidzirwa nevatsigiri veZanu PF.

Chikamu chekutanga ichi chinopetwa mangwana kuChiredzI, Mwenezi pamwe ne Chivi South uko kunonzi kwakanyoresa vanhu vashoma zvichitevera zvipingaidzo zvakawanda zvakasangana neZimbabwe Electoral Commssion.

Masangano ari kuongorora kunyoreswa kwevanhu muMasvingo anoti haasi kufara nekushomeka kwevakanyoresa kuvhota vachiti zvinogona kukanganisa sarudzo gore rinouya.

Mutauriri weMasvingo Human Rights Trust, VaTineyi Mapingure, vanoti havasi kufara nemaperero aita chikamu chekutanga chekunyoresa kuvhota sezvo vanhu vazhinji vange vachityisidzirwa.

Vanoona nezvekufambiswa kwemabasa musangano reCommunity Tolerance and Reconciliation Development, VaZivanai Mapingure, vanoti vanhu vazhinji vakatadza kunyoresa kuvhota pachirongwa chekutanga.

Asi vamwe vagari vari kukurudzira ZEC kuti ivandudze chirongwa chedzidziso painotanga chikamu chepiri kune mamwe matunhu anosanganisira Masvingo nedzimwe nzvimbo dzekwaChivi dzakasara.

Va Thomas Zinduru vekwa Ngundu kwaChivi ndomumwe wevari kukurudzira ZEC kuti ivandudze chirongwa chedzidziso panhau yekunyoresa kuvhota.

Kunyange mukuru we ZEC muMasvingo, Va Zex Pudurai, vasina kubatika kuti vatipe maonere avo pakupetwa kwechikamu chekutanga, mashoko abuda mu ZEC anoti vanhu vakanyoresa pachikamu chekutanga munyika yose vari pasi pemiriyoni imwe chete.

ZEC inotarisira kunyoresa vanhu vanosvika mamiriyoni manomwe panopera chirongwa chose.

Chikamu chechipiri chinotanga musi wa 29 Gumiguru muMasvingo nedzimwe nzvimbo.

Nyaya Ina Gandri Maramba
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:23 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG