Accessibility links

Breaking News

Scotland Cricket Inomisa Mitambo Yayo neZimbabwe Cricket


Zimbabwe Cricket inoti haisi kufara nedanho ratorwa nehurumende ye Britain, iyo yarambidza Scotland Cricket kuti ienderere mberi nemitambo ye Interconticontal Cup muHarare muna Gumiguru.

Cricket Scotland yakange yati ichange iri mumitambo iyi, asi yazorambidzwa nehurumende yayo neChipiri kuti ienderere mberi nemitambo iyi.

Britain inoti haisi kufara nekutyorwa kwekodzero dzevanhu muZimbabwe kunyange hazvo munyika mava nehurumende yemushandira pamwe uyo unonzi neveruzhinji hausi kushandira pamwe.

Mukuru weZimbabwe Cricket, Va Ozias Bvute, vanoti sangano ravo harisi kuzobvuma kutamba kune imwe nyika sechikumbiro chaitwa neScotland sezvo muZimbabwe mune runyararo.

XS
SM
MD
LG