Accessibility links

Breaking News

Chimwe Chikwata cheZINASU Chinosangana naVaTsvangirai


Sangano rechimwe chikwata cheZINASU rasangana nemutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vakakurukura kushungurudzwa kuri kuitwa vadzidzi vemuzvikoro zvepamusoro soro nemapurisa.

Sangano iri rinoti rakumbira VaTsvangirai kuti vaudze makurukota maviri ezvemukati menyika, kuti vaone kuti kushungurudzwa kwevadzidzi kwamiswa nemapurisa. Chikwata cheZinasu ichi ndicho chinotsigira hurongwa hwekuti hurumende itungamire mukunyorwa kwebumbiro idzva remitemo yenyika.

Chikwata ichi chinoti changa chakumbirwa nehofisi yaVaTsvangairai kuti chisvitse zvichemo zvacho. Imwe nhengo yeZINASU, uye vari mutauriri wechikwata ichi, VaWisdom Mgagara, avo vambochengetedzwa nemapurisa neMuvhuro pa University of Zimbabwe, vanoti vatanga kusangana nemunyori muhofisi yaVaTsvangirai, Va Ian Makone, vakazosangana naVaTsvangirai mbune vachivaudza zvichemo zvavo.

Vatiwo vaudza VaTsvangirai kuti havasi kufara nemashoko emutungamiri wezvechidiki muANC, VaJulius Malema, avo vakaratidza kuti vanotsigira Zanu PF, panguva iyo mutungamiri webato iri, VaJacob Zuma, vari muyananisi pagakava riri muZimbabwe.

Vati izvi hazvipi chimiro chakanaka kuna VaZuma pabasa ravari kuita.

XS
SM
MD
LG