Accessibility links

Breaking News

Sangano reNCA rinoti sarudzo hadzifanirwe kuitwa kudzamara munyika mava nebumbiro idzva


Sangano reNational Constitutional Assembly kana kuti NCA rinoti sarudzo hadzifanirwe kuitwa kudzamara munyika mava nebumbiro idzva rinonyorwa richitungamirwa ne Constituional Commission.

Mumwe anoshanda muhofisi yekuburitswa kwemashoko mu NCA, VaBlessing Vava, vanoti N-C-A yakbuda nechisungo ichi pamusangano wayakaita nemugovera. Nca inoti komisheni iyi inofanirwa kutungamirwa nemunhu aimbove mutongi wedare repamusoro.

Sangano iri rinoti haritambire chirongwa chiri kutungamirwa nekomiti yeparamende, yeCOPAC.

Patience rusere westudio7 aita hurukuro nava vava kuti tinzwe zvizere.

Tichiri panyaya iyi, Studio7 yaita hurukuro nemumwe wemasachigaro eCOPAC, VaDouglas Mwonzora, vanoti kunyange chirongwa ichi chikatungimira namasangano akazvimirira oga, hurongwa uhu hucharamba huine makakatwana, nekuti vanhu vane pfungwa dzakasiyana.

XS
SM
MD
LG