Accessibility links

Breaking News

Sangano reMagweta Rinoti Mapiritsi Ari Kubiwa Muzvipatara


S

Sangano reZimbabwe Lawyers for Human Rights, ZLHR, rinoti vakoti vemuzvipatara zvehurumende vari kuba mapiritsi emaAnti Retroviral Drugs, kana kuti ma ARVs vachiatengesera pamukoto kuvanhu vari kurarama nehutachiona hwe HIV/Aids.

Sangano iri raburitsa gwaro idzva rinonzi “Corruption Burns Universal Access”, iro rinotaura zviri kuitika muzvipatara. ZLHR inoti vakoti ava vanogona kunga vari kuba mishonga zvicvhikonzerwa nekuti mari dzavanotambira ishoma zvikuru.

Sangano iri riri kuti kodzero dzevanhu dziri kutyorwa nekuita kwakadai.

Mukuru weZimRights, Va Okay Machisa, vaudza Studio7 kuti kodzero dzevanhu vanorwara dziri kutyorwa zvikuru nekuda kwekubiwa nekutengeswa kwemapiritsi aya.

Gurukota rehutano, Dr Henry Madzorera, vanoti zvakanyorwa izvi zvaiitika kare kwete mazuva ano kubva zvaumbwa hurumende yemubatanidzwa.

XS
SM
MD
LG