Accessibility links

Breaking News

Sangano reMagweta Roshora Chirongwa cheKunyorwa kweBumbiro Idzva


Sangano remagweta anorwira kodzero dzevanhu reZimbabwe Lawyers for Human Rights, rinoti bumbiro idzva remitemo yenyika riri kunyorwa nekomiti yeparamende yeCOPAC, riri kuitwa nenzira isina kujeka uye paine kutyityidzirana zvekuti harigoni kubuda nemitemo inechengetedza zvido zvevanhu vose vemuZimbabwe.

Vachitaura pakuparurwa kwegwaro rakanyorwa nemagweta aya rinotarisa zvakanaka pabumbiro riripo pamwe nemamwe mabumbiro akambonyorwa munyika, Amai Beatirce Mtetwa, vati COPAC haisi kubuda pachena kuti nyanzvi dziri kutungamira mukunyorwa kwebumbiro idzva dziri kushandisa chii pakunyora bumbiro iri.

Vati sangano reSouthern African Development Community, SADC, rinoti pfungwa dzevashoma dzinofanirawo kunge dziri mubumbiro idzva. Asi vati zviri pachena kuti izvi hazvisi kuitwa neCOPAC.

Vatiwo mhirizhonga yakakonzerwa nevaimbowa varwiri vehondo yerusununguko svondo rapfuura inoratidza pachena kuti chirongwa chekunyorwa kwebumbiro idzva chiri kuitwa pane kutyityidzirana.

Magweta aya apawo gwaro ravo rinonzi Zimbabwe’s Constitutional Drafts – Comparison and Recommendations, kuna VaDouglas Mwonzora, mumwe wemasachigaro eCOPAC kubva kuMDC inotungamirwa naVa Morgan Tsvangirai.

VaMwonzora vati gwaro remagweta aya rakakosha chose uye vari kunyora bumbiro vachabatsirikana chose nepfungwa nehunyanzvi huri mugwaro iri. Vati zvaitwa nemagweta aya ndizvo zvinotarisirwa kuvanhu vanovaka kwete kuita sezvakaitwa nevatsigiri veZanu-PF svondo rapfuura.

Rimwe remagweta ange aripo, VaChris Mhike, vatiwo veruzhinji pamwe nemasangano akaita seremagweta vanofanira kupa pfungwa dzavo pabumbiro idzva uyewo zvakakosha kuti veCOPAC vatorewo pfungwa idzi.

Chirongwa chekunyorwa kwebumbiro idzva chave kumashure shure kwenguva yakatarwa muchibvumirano cheGlobal Political Agreement nekuda kwekushaikwa kwemari pamwe nemakakatwanwa pakati pemapato matatu ari muhurumende.

Mukuru we Africa Region Programme of the International Commission of Jurists, Va Arnold Tsunga, vanoti zvabuditswa mugwaro reZLHR ndizvo zvinofungwa nevazhinji munyika.

XS
SM
MD
LG