Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi Dzinoti Mitengo yeZvinhu Ichakwira


Sangano reLabor and Economic Development Research Institute of Zimbabwe rinoti veruzhinji havasi kukwanisa kurarama, nepamusana pekushaya mari yekutenga zvinhu zvinodiwa mudzimba.

Sangano iri rinoti kunyange hazvo Consumer Council of Zimbabwe, CCZ, ichiti mari inodiwa nemhuri ine vanhu vatanhatu yadzikira zvishoma, mitengo yezvinhu iri kutarisirwa kukwira zvakare.

CCZ inoti mhuri imwe yava kuda mari inoita US$492,24 kubva paUS$493, 25 muna Kubvumbi.

VaPropser Chitambara inyanzvi munyaya dzehupfumi, uye vanoshanda nesangano reLabor and Economic Development Research Institute of Zimbabwe.

VaChitambara vanoti vanhu vakawanda vanotambira mari inosvika mazana maviri emadhora pamwedzi zvekuti vakawanda vavo havakwanisa kutenga chikafu chinovakwanira.

XS
SM
MD
LG