Accessibility links

Breaking News

Sangano reBUPRA rinoti rava kuunganidza nhengo dzeparamende nemasangano evagari vemumaguta kuti vamanikidze paramende kuti iongorore Hupfumi hwava Chombo,


Sangano reBulawayo Progressive Residents Association rinoti rava kuunganidza nhengo dzeparamende nemasangano evagari vemumaguta kuti vamanikidze paramende kuti iongorore kuti gurukota rezvematunhu, va Ignatius Chombo, vakawana seyi hupfumi hwavo.

Izvi zvinotevera kuramba kwemunyori weparamende, vaustin zvoma, kuti paramende iongororo hupfumi hwavaChombo.

Co-ordinator vesangano re BUPRA, vaRoderick Fayayo, vanoti vacharamba vachitevera nyaya iyi.

Asi vaZvoma vaudza studio 7 kuti hupfumi hwava chombo ndehwavo.

Patience Rusere weStudio 7 aita hurukuro nacheif whip weMDC-T muparamende, va Innocent Gonese, kuti tinzwe mafungiro avo.

XS
SM
MD
LG