Accessibility links

Breaking News

WHO Inoti Vanhu Vanodarika Zana neMakumi Mana Vabatwa neKorera


Sangano reWorld Health Organization, WHO, rinoti vanhu vanosvika zana nemakumi mana nevatanhatu vakabatwa nechirwere chekorera kusvika musi wa 13 Zvita.

WHO inoti vanhu vakabatwa nechirwere ichi, vari mumatunhu mapfumbamwe ari munyika. WHO inotiwo huwandu hwevanhu vari kubatwa nechirwere ichi hwakadzikira kana zvichiedzaniswa nevanhu vakabatwa nechirwere ichi munguva ino gore rapera.

Gore rapfuura korera yakauraya vanhu vanodarika zviuru zvina nemazana maviri. Mumiriri we WHO muZimbabwe, Doctor Custodia Mandlahate, vanoti vanhu vanofanirwa kuramba vakagwarira chirwere ichi, kuitira kuti chsanetse zvakare munyika.

Doctor Douglas Gwatidzo ndivo sachigaro veZimbabwe Association of Doctors for Human Rights. VaGwatidzo vanoti vanhu vanofanirwa kugara vakachena kuitira kuti vasabatwe nechirwere ichi.

XS
SM
MD
LG