Accessibility links

Breaking News

Sangano re Rapaport Rinot Vanhu Vasatenga Zvishongo zveMangoda ekwaMarange


Sangano iri riri kuti kunyange hazvo Kimberley Process yakapa mvumo yekutengesa mangoda ekwa Marange, pane zvinhu zvizhinji zvarisiri kufara nazvo

Sangano re Rappaport rinowona nezvemangoda mu America ratanga kurudziro yekuti vanhu pasi rose vasatenga zvinhu zvinogadzirwa nemangoda ekwa Marange kunyange hazvo sangano re Kimberley Process rakati atange kutengeswa pasina ongororo yayo.

Sangano iri riri kuti kunyange hazvo Kimberley Process yakapa mvumo yekutengesa mangoda ekwa Marange, pane zvinhu zvizhinji zvarisiri kufara nazvo.

Ukuwo kambani ye De Beers iri kuti haisi kuzobata mangoda ekwa Marange. Gurukota rezvemigodhi, Va Obert Mpofu, vanoti havana basa nezviri kutaurwa neRappaport ne De Beers.

Chipangamazano musangano re crisis in Zimbabwe Coalition kuchamhembe kwe Africa, Va Mavhinga, vanoti vanotsigira danho ratorwa ne Rappaport.

XS
SM
MD
LG