Accessibility links

Breaking News

Medicins Sans Frontiers Inokurudzira Zimbabwe Kuti Ibvise Mari dzeKuzvipatara


Va Emmanuel Gasa vesangano reTAAF Zimbabwe, vanoti hurumende inofanirwa kuona kuti yapa vanhu varorarama neHIV mishonga pachena

Sangano reMedicins Sans Frontiers riri kukurudzira hurumende yeZimbabwe kuti ibvise mari dzinobhadharwa nevanhu muzvipatara kuitira kuti vanhu vakawanda vawane mishonga inorebesa hupenyu hwavo, yakaita semaAnti Retroviral anopihwa vane utachiona hwe HIV.

Mukuru weMSF muZimbabwe Muzvare Mari Carmen Vinoles vakaudza vatapi venhau kuBulawayo kuti sangano ravo rinopa mishonga yemaARVs pachena kuzvipatara asi vazhinji vari kutadza kuipihwa nekuti zvipatara zvehurumende, kunyangwe zvekumaruwa, zviri kuda kuti vabvise mari yekurapwa.

VaEmmanuel Gasa, avo vanoshanda nesangano reTAAF Zimbabwe, iro rinobatsira vanorarama nehutachiona hweHIV uye vasina pekugara, vati hurumende inofanira kushanda nemasangano akazvimirira oga kuona kuti vanofanira kutambira mishonga vaitambira zvisina dambudziko.

XS
SM
MD
LG