Accessibility links

Breaking News

Vaimbove Munyori Mukuru weUnited Nations, VaKofi Annan, Voshanyira Zimbabwe.


Kofi Annan

Vaimbove Munyori mukuru we sangano re United Nations, VaKofi Annan, vari kutarisirwa kushanya ku Zimbabwe kwemazuva maviri.

Va Annan vachasangana nemapato matatu ane nhengo dziri mu paramende kuitira kuti vazeye nzira dzekunyatsovandudza mitemo ye sarudzo.

Mapato ari muparamende anoti MDC yaVaWelshman Ncube, Zanu PF ne MDC T inotungamirwa na VaNelson Chamisa.

Misangano iyi ichasiya mamwe mapato asina nhengo dzawo muparamende kunze chero hazvo vamwe vachiona sekuti zvakakosha kuti mapato ese ange ari mumisangano yakadai.

Munyori mukuru mubato re MDC T inotungamirwa naVaNelson Chamisa, VaDouglas Mwonzora, vati pavakanga vari kuGeneva masvondo maviri apfuura, vakabatana nemamwe mapato mukuisa chikumbiro kuna VaAnnan chekuti vazouya kuZimbabwe kuzobatsira mukuyananisa mapato ezvematongerwo enyika akatarisana ne sarudzo dziri kuuya.

VaMwonzora vati kusangana kwavari kuita nevamwe vavo kuVictoria Falls muchirongwa ichi kwakakosha nekuti ishuviro yemunhu wese kuti sarudzo dziitwe nenzira dzakachena. Vatiwo kuuya kwaVaAnnan kunoratidza hudzamu hwemakoshesero avari kuita sarudzo dziri kuuya.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG