Accessibility links

Breaking News

ZDI Inoti Hukama hweZEC neMauto Hunosvibisa Sarudzo


Sangano ravana chipangamazano reZimbabwe Democracy Institute, ZDI, rinoti hushamwari hwekomisheni inoona nezvesarudzo nevemuchiuto pamwe nekusajeka kwegwaro revachavhota, kuchasvibisa sarudzo dzemusi 31 Chikunguru.

Sachigaro veZDI ,VaRashweat Mukundu, vanoti ongororo yavakaita inoratidza kuti pane kudyidzana kuripo pakati pe Zimbabwe Electoral Commission, ZEC, nevemuchiuto uye izvi zvinoita kuti veruzhinji vasave nechivimbo chekuti ZEC ingaite sarudzo dzakachena.

VaMukundu vanoti ZEC inofanira kujekesa nyaya yegwaro revachavhota. Vanotiwo munhu wese, vatori venhau nemapato ezvematongerwo enyika vanofanira kupihwa mukana wekupengura gwaro iri.

Vanoti zvakare gwaro ravo rine chinangwa chekuti veZEC nevamwe vanoona nezvesarudzo vagadzirise zvese zvisina kunaka kuitira kuti sarudzo dzifambe zvakanaka.

Mukuru weZDI, VaPedzisayi Ruhanya, vanoti zvikwata zveMDC zvinofanira kuona kuti hapana chitsotsi chichaitwa pasrudzo idzi.

Zvichitevera kusafamba zvakanaka kwesarudzo dze special vote, masangano anoshanda akazvimirira munyika, mamwe mapato ezvematongerwo enyika pamwe neveruzhinji vanofunga kuti ZEC haikwanisi kuita sarudzo dzakachena.

Asi mumiriri weAmerica muZimbabwe, VaBruce Wharton, vanoti ZEC inofanira kuregwa ichiita sarudzo vanhu vozotaura sarudzo idzi dzapera.

Vachitaura nevatori venhau mushure mekupa rubatsiro rwemari kune mamwe masangano anobatsira vanotambura, VaWharton vati vane chivimbo chekuti vachaongorora sarudzo kubva kuSADC, African Union nemamwe masangano, vachaita basa nemazvo.

Zimbabwe ichaita sarudzo svondo rinouya asi gadziriro yesarudzo iyi iri kukanganiswa nekushaikwa kwemari.
XS
SM
MD
LG