Accessibility links

Breaking News

Chikwata CheSevens Rugby Chobudirira Kuenda KuBritain


Rugby
Rugby
Sachigaro weSevens Rugby Franchise, VaDonald Mangenje vanoti varikufara nekubudirira kwaita chikwata chavo kuenda kumakwikwi eLondon Sevens mwedzi unouya.

Chikwata ichi chinozivikwanwa sema Cheetahs chakatamba zvinonwisa mvura mumutambo wacho we International Rugby Board World Sevens Series kuHong Kong kupera kwemwedzi wapera uko chakakunda chikwata che Tonga 22-19 zvakaita kuti chiwane mukana wekuenda kumakwikwi ekuLondon aya.

VaMangenje vanoti parizvino chikwata ichi chakatotanga gadziriro yemakwikwi aya uye chichaenda ku Kenya kuMombasa uko chichanotamba mitambo yehushamwari mugadziriro yemakwikwi aya.

VaMangenje vanoti parizvino varimushishi rekushanda nevatambi kuti vawedzere hunyanzvi nekusimba kwavo vachiwongorora zvekudya zvavarikudya nekumhanya nekuita zvinosimbaradza miviri yavo.

Vanotiwo veruzhinji vari kufarira mutambo we Sevens Rubgy uye zvimwe zvikoro zviri munzvimbo dzinogara vazhinji zvavakuitawo mitambo iyi. Vaenderera mberi vachiti varikufara nerutsigiro rwavari kuwana kune makambani akaita seSpar ayo arikubatsira kukuita kuti mutambo uyu uwanikwe kune dzimwe dzvimbo dzawange usingawanikwe.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG